Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoti Hurumende Idzosere Mangoda ekwaChiadzwa kuRBZ


Mutongi wedare repamusorosoro reSupreme Court, VaGodfrey Chidyausiku, vanonzi vapa mutongo wekuti mangoda akatorwa nechisimba kubva kubhanga guru renyika reReserave Bank of Zimbabwe, RBZ, negurukota rezvemigodhi, VaObert Mpofu, adzoserwe nekukasika.

Mumutongo wavo VaChidyausiku vanoti kana mangoda aya akasadzoserwa kuRBZ, panenge patyorwa mutemo zvakanyanya, izvo zvinozoisa vanenge vatyora mutemo ava munjodzi.

Mwedzi wapera, VaChidyausiku vakatonga kuti bhanga guru richengete mangoda ekwaChiadzwa ari pagakava pakati pekambani yeAfrica Consolidated Resources nehurumende, kusvika nyaya iri kumatare yagadziriswa.

Hurumende inonzi yakazivisawo kuti iri kuda kukanzura rezinesi rekambani iyi, uye yakapa kambani iyi kusvika musi wa 10 Kurume kuti ikwikwidze danho iri.

Gweta reACR, VaJonathan Samkange, vaudza Studio7 kuti vafarira mutongo waturwa naVaChidyausiku uyu, sezvo uchiita kuti hurumende iremekedze mitongo inenge yatarwa nematare.

XS
SM
MD
LG