Accessibility links

Breaking News

Dare reSupreme Court Rotanga Kuzeya Chikumbiro chaVaSiwela cheBail


Dare repamusorosoro reSupreme Court nemusi weChipiri rakatanga kuzeya nyaya yenhengo yeMthwakazi Liberation Front, vaPaul Siwela, avo vari kupomerwa mhosva yekuedza kupidigura hurumende.

VaSiwela vakasungwa muna Kurume pamwe nenhengo mbiri dzesangano ravo dzinoti vaJohn Gazi navaCharles Thomas.

Vatatu ava vakabvumidzva kubhadhara mari yechibatiso nedare reHigh Court muBulawayo mwedzi mapfura asi vaSiwela havana kuburitswa mushure mekunge hurumende yapikisa, ichiti vane imwe mhosva zvekare yekuda kupidigura hurumende yavakapara muna 2004 isati yapera kutongwa.

Izvi ndizvo zvakapa kuti magweta avaSiwela aende kudare reSupreme Court.

Mushure mekutambira mashoko edivi rehurumende neremagweta anomirira vaSiwela nemusi weChipiri, mutongi mukuru wedare reSupreme Court, vaGodfrey Chidyausiku, vakaudza magweta avaSiwela kuti auye netsamba inenge yanyorwa navaSiwela vachivimbisa kuti vakabudiswa muhusungwa havazopari imwe mhosva yakadai zvakare.

Rimwe remagweta avaSiwela uye vari nhengo yeAbammeli Human Rights Lawyers, va Matshobana Ncube vakaudza Ntungamili Nkomo weStudio 7 kuti izvi hazvinyonzoitika.

XS
SM
MD
LG