Accessibility links

Breaking News

Dare reMakurukota Rogara Kekutanga VaManangagwa Vachivimbisa Kugadzirisa Matambudziko Akatarisana neNyika


dare remakurukota
dare remakurukota

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa nemusi weMuvhuro vakaita musangano wedare remakurukota avo wekutanga veruzhinji nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachiti dare iri rinofanira kuvandudza hupfumi hwenyika kuti vanhu vawane mabasa pamwe nekurwisa chirwere chekorera icho chatekeshera nenyika yese.

Vachinyora padandemutande ravo reTwitter rinonzi @edmnangagwa, mushre mekupedza musangano nemakurukota avo, VaMnangagwa vati vari kuda kuti basa rekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika kusanganisa cholera agadziriswe nechimbi chimbi.

Vati vanhu vanofanira kuita muonera pamwe chuma chemuzukuru kuvaka Zimbabwe. Dare ragara nhasi iri rine vanhu makumi maviri, varume gumi nevanomwe uye madzimai matanhatu.

Zvichakadaro, vazhinji vataura neStudio vati vanotarisira shanduko uye kuti VaMnangagwa nedare ravo remakurukota vaite zvavaivimbisa pasarudzo kuti vachamutsiridza makambani kuti vanhu vawane mabasa.

Amai Hildah Shumba vanoti dare remakurukota rinofanira kuonawo kuti huwori hwapera munyika.

Mumwe wechidiki, Brian Bherichi, audza Studio 7 kuti anotarisira kuti hurumende yaVaMnangagwa ichavawanisa mabasa pamwe nekubatsira vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro nemari kuti vakwanise kupedza dzidzo yavo.

VaItai Madzivaidze vati chikuru chinoda kutanga kugadziriswa nedare remakurukota inyaya yekorera vachiti nyika haigoni kuenda mberi kana vanhu vachirwara.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio 7, kuti kunze kwenyaya dzehutano, vanotarisira kuti dare remakurukota rigadzirise nyaya yekushaikwa kwemari munyika.

Vati zvinhu hazvina kumira zvakanaka uye kana pamusika mutemo wemari mutengo wemari uri kuramba uchikwira zvakanyanya.

Zvichakadai VaMnangagwa vanotarisirwa kuvhura zviri pamutemo dare reparamende rechipfumbamwe mangwana uye VaKuchera vati paramende inofanira kuvandudza mitemo kuti ienderane nebumbiro.

Amai Shumba vati paramende inofanira kudzika mitemo inosimudzira mabasa ebudiriro kumaruwa pamwe nekuona kuti mari yehurumende yashandiswa mumabasa ebuduriro

Vanongorora zvematongerwo enyika, VaVivid Gwede vaudza Studio 7 kuti paramende inofanira kuita zvidzidzo zvevanhu pamwe nekuona kuti dare remakurukota riri kufambisa basa zvakanaka pasina huwori,

VaGwede vati zvinonyadzisa kuti vanhu vari kufa nezvirwere zvakare kare zvakaita sekorera uye vanotarisira kuti idzi ndodzimwe nyaya dzichagadziriswa neparamende.

Vatiwo vanotarisira kuti paramende ichagadzira mutemo wekuumba hurumende dzematunhu nechimbi nechimbi uye vati vanotarisira kuti paramende rive dare rekuumba mitemo inosumudzira veruzhinji kwete nhengo dzedare iri dziswero popotedzana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG