Accessibility links

Breaking News

Dare reMakurukota Rinotadza Kuzeya Mutemo weKutora Makambani


Dare remakurukota rinonzi ragara muHarare neChina asi harina kuzeya nyaya yemutemo wekupa kuvatema, zvikamu zvehupfumi makumi mashanu nechimwe kubva muzana mumakambani evachena pamwe nevekunze kwenyika.

Vane ruzivo nemafambiro aita musangano uyu vanoti nyaya iyi ichakurukurwa svondo rinouya, uye kuchasarudzwa makurukota achazeya nyaya iyi.

Mutemo uyu wakatanga kushanda mwedzi uno, asi vamwe muhurumende vanoti pakakasikirwa kumedza pasati panyatsotsengwa, sezvo mutemo uyu uchinzi uchangogutsa vashoma.

Mutemo weIndigenization and Economic Empowerment Act unonzi unotyisidzira vekunze vanoda kutanga mabhizinesi.

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, mumwe wevanhu vari kunyunyuta pamusoro pemutemo uyu.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reCentre for Community Development, VaPhilip Pasirayi, vanoti dare remakurukota raifanirwa kuzeya mutemo uyu sezvo wakadzikwa neZanu PF pasina kuwirirana nevamwe vane chekuita nezvenyaya iyi.

XS
SM
MD
LG