Accessibility links

Breaking News

Dare reMakurukota Rinonzi Ndiro Rakati Misika Iri Pedyo neMigwagwa Iputswe


Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa muHarare nenzvimbo dzakatenderedza, VaTafadzwa Muguti, vanoti kupwanya kuri kuitwa zvivakwa zvevari kutengesera pasina kutarwa chisungo chedare remakurukota chakanangana nekuchenesa maguta uye vose vari kuita huori kupa vanhu mvumo yekuvaka pasina kukodzera kana kutengesera vachasungwa.

Vari kuputsirwa ava vanhu vari kugadzira masofa, kuforoma zvidhina, kutengesa dzimotokari nezvimwe.

VaMuguti vapomerwa vamwe vakuru vemakanzuru mhosva yekupa vanhu mapepa ekutengesa nemukoto vachiti vachatorerwa matanho. Asi zvekuputswa kwemisika zviri kushorwa nevanopikisa nemamwe masangano akazvimirira oga akaita seCrisis in Zimbabwe Coalition.

Mumashoko kuvatori venhau sanganore Crisis in Zimbabwe Coalition rashora kushandiswa kwemapurisa kupwanya zvinhu zvevanhu richiti kutyora kodzero dzevanhu kunofanira kungororwa nemasangano makuru epasi rino vachiti zvakangofanana nechirongwa cheOperation Murambatsvina chakashorwa neUnited Nations chakasiya vanhu zviuru mazana manomwe vasina pekugara.

Asi VaMuguti vaudza Studio 7 kuti hapana kudududza.

Hurukuro naVaTafadzwa Muguti
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Munyori anoona nezvematunhu mubato rinopikisa reMDC Alliance, VaSessel Zvidzai, vanoti vari kushamisika nekuputswa kwezvinhu apo vanhu vakawanda vari kutsvaga chouviri mushure mekupinda muhurombo nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Hurukuro naVaSessel Zvidzai
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Vati hurumende inofanira kuvakira vanhu pekutengesera pakakodzera istai yatanga kupwanya zvinhu.

Nzvimbo dziri kupwanya dzinosanganisira Ruwa, Chitungwiza neHarare.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG