Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa muHarare nenzvimbo dzakatenderedza, VaTafadzwa Muguti, vanoti kupwanya kuri kuitwa zvivakwa zvevari kutengesera pasina kutarwa chisungo chedare remakurukota chakanangana nekuchenesa maguta uye vose vari kuita huori kupa vanhu mvumo yekuvaka pasina kukodzera kana kutengesera vachasungwa.
Vari kuputsirwa ava vanhu vari kugadzira masofa, kuforoma zvidhina, kutengesa dzimotokari nezvimwe.
VaMuguti vapomerwa vamwe vakuru vemakanzuru mhosva yekupa vanhu mapepa ekutengesa nemukoto vachiti vachatorerwa matanho. Asi zvekuputswa kwemisika zviri kushorwa nevanopikisa nemamwe masangano akazvimirira oga akaita seCrisis in Zimbabwe Coalition.
Mumashoko kuvatori venhau sanganore Crisis in Zimbabwe Coalition rashora kushandiswa kwemapurisa kupwanya zvinhu zvevanhu richiti kutyora kodzero dzevanhu kunofanira kungororwa nemasangano makuru epasi rino vachiti zvakangofanana nechirongwa cheOperation Murambatsvina chakashorwa neUnited Nations chakasiya vanhu zviuru mazana manomwe vasina pekugara.
Asi VaMuguti vaudza Studio 7 kuti hapana kudududza.
Munyori anoona nezvematunhu mubato rinopikisa reMDC Alliance, VaSessel Zvidzai, vanoti vari kushamisika nekuputswa kwezvinhu apo vanhu vakawanda vari kutsvaga chouviri mushure mekupinda muhurombo nekuda kwechirwere cheCovid-19.
Vati hurumende inofanira kuvakira vanhu pekutengesera pakakodzera istai yatanga kupwanya zvinhu.
Nzvimbo dziri kupwanya dzinosanganisira Ruwa, Chitungwiza neHarare.
Facebook Forum