Accessibility links

Breaking News

Dare re High Court Rinorasa Nyaya yeCPCA Anglican


Va Shumba vanoti Va Gandiya vari kushushikana zvikuru nekurwaswa kwaita nyaya iyi naVa Uchena vachiti zvinorwadza kuti pashaikwa mutungamiriri munyika anokwanisa kumisa zviri kuitwa naVa Kunonga

Chechi ye Anglican Church of the Province of Central Africa iri kutungamirwa na Bishop Chad Gandiya neChishanu yakarasirwa nyaya yayo nedare repamusoro zvichitevera mutongo wakapihwa na Justice Tendai Uchena.

Chikwata chaVa Gandiya chaida kuti dare repamusoro rimise kuburitswa kuri kuitwa vafundusi, nherera, pamwe nevamwe vanhu vechitendero ichi mudzimba nezvivakwa zvechechi.

Izvi zviri kuitwa nechikwata chiri kutungamirwa naBishop Nolbert Kunonga, icho chakapihwa nedare repamusoro soro masimba pazvivakwa zvechechi ye aAglican mudunhu re Harare Diocese.

Va Kunonga nevatsigiri vavo vakabuda muchechi ye Central Africa vachiti iri kuita zvehungochani. Va Uchena vakati vaisakwanisa kutarisisa nyaya iyi nekuti dare repamusoro soro richiri kubata nyaya iyi.

Va Precious Shumba ndivo mutauriri we CPCA muHarare. Va Shumba vanoti Va Gandiya vari kushushikana zvikuru nekurwaswa kwaita nyaya iyi naVa Uchena vachiti zvinorwadza kuti pashaikwa mutungamiriri munyika anokwanisa kumisa zviri kuitwa naVa Kunonga.

XS
SM
MD
LG