Dare guru repamusoro kana kuti High Court kuNorth Gauteng muSouth Africa neChina rakapa mutongo unotsigira varimi vachena vakatorerwa mapurazi muZimbabwe nechisimba kuti varipwe mari dzevhu nemichina nezvimwe zvavakarasikirwa nazvo kubva muna 2000.
Dare iri rapa simba kune sangano rakazvimirira roga re AfriForum kuti rikwanise kushandisa mutongo wakapihwa nedare reSADC muna 2008.
Mutongo we SADC Tribunal waiti Zimbabwe yakatyora mitemo yepasi rose uye kutorera vachena minda kwakaratidza rusarura ganda naizvozvo vanasapurazi ava vanofanira kuripwa.
Mutongo uyu unonzi uchapa kuti zvizvarwa zveSouth Africa zvakatorerwa minda yazvo zviende kuhurumende yazvo kuti zviripwe.
VaJoy Mabenge vanoongorora nyaya dzezvematongerwe enyika uye vachishanda nesangano reInstutute for a Democratic Alternative for Zimbabwe. VaMabenge vanoti mutongo uyu kunyange hazvo uchanetsa panyaya yekuripa varimi, wakanaka nekuti unoratidza pachena nyaya yekutyorwa kwemitemo nekodzero dzevanhu muZimbabwe.