Accessibility links

Breaking News

Dambudziko reTyphoid Roramba Riripo muHarare


Asi imwe nyanzi, Dr Davison Saungweme, avo vanodzidzisa pa Penn State University kuno ku America, vanoti Harare iri kurapa chirwere chisicho mukuvhara nzvimbo dzekutengesera nezvimwe zvakadaro

Dambudziko rechirwere che typhoid riri kuenderera mberi munyika kanzuru ye Harare ichibvuma kuti haisi kukwanisa kupa vagari ve Harare mvura yakachena yekunwa.

Harare inoti vanhu makumi mashanu vari kubatwa vaine chirwere ichi zuva ne zuva zvaita kuti vavhare nzvimbo dzekutengesera zhinji nekudyira dzakaita sekwa mereki.

Asi imwe nyanzi, Dr Davison Saungweme, avo vanodzidzisa pa Penn State University kuno ku America, vanoti Harare iri kurapa chirwere chisicho mukuvhara nzvimbo dzekutengesera nezvimwe zvakadaro.

Dr Saungweme vaudza Studio 7 kuti tsvina iri kusangana nemvura yekunwa zvinova zvakonzera kuti dambudziko re typhoid rikure uye vari kutya kuti dambudziko iri rikasagadziriswa chirwere che korera chingangodzoka.

Gurukota rezvehutano, Dr Herny Madzorera, vanoti hurumende nemasangano akazvimirira oga vari kuita zvose zvavanogona kupedza dambudziko iri.

Va Madzorera vati hurumende pachayo inofanirawo kuwedzera mari yairi kupa kuti nyaya dzemvura dzigadziriswe munyika.

XS
SM
MD
LG