Accessibility links

Breaking News

DA: Va Zuma Ngavatsigire Zvirango


Bato rinopikisa muSouth Africa, re Democratic Alliance, DA, rinoti mutungamiri wenyika iyi, VaJacob Zuma, vanofanirwa kutsigira danho rakatorwa neEuropean Union rekuti zvirango zvakatemerwa VaMugabe nevamwe vavo, zvirambe zviripo.

VaZuma vari kutarisirwa kunge vari mu Britain svondo rino vachikurudzira nyika iyi kuti ibvise zvirango izvi.

Asi DA inoti hapana chakanaka chati chaitika muZimbabwe chingapa kuti zvirango izvi zvibviswe zvisinei nekuti kwava nehurumende yemubatanidzwa.

Bato iri rinotiwo VaZuma vanofanirwa kukurukura nehurumende yaVa Gordon Brown nezvemutemo we Indigenization and Economic Empowerment Act, uyo wakatanga kushanda munyika neMuvhuro.

DA inoti mutemo uyu uchaita kuti zvizvarwa zvemuSouth Africa, pamwe chete nedzimwe nyika, zvirasikirwe nehupfumi hwazvo mumakambani ari muZimbabwe.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Va Rejoice Ngwenya, vanoti havaone VaZuma vachikurudzira Britain kuti isabvise zvirango zvakatemerwa VaMugabe nevamwe vavo.

XS
SM
MD
LG