Accessibility links

Breaking News

Crisis in Zimbabwe Coalition Inoti SADC neAU Ngadzizeye Nyaya yeKusagadzikana muZimbabwe neMozambique


VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weMozambique VaFilipe Nyusi.

Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition rinoti richayedza kuita hurukuro nevamiriri vedzimwe nyika vemuSADC kuti vakurudzire vatungamiri venyika dzemuAfrica kuti vazeye matambudziko akatarisana neZimbabwe neMozambique arinoti anogona kukonzera matambudziko kunyika dzekuchamhembe kweAfrica.

Izvi zvakabuda pamisangano yakaitwa nesangano iri kuMozambique yakapetwa nemusi weMugovera.

Crisis in Zimbabwe yakaita misangano nebato riri kutonga reFrelimo, vemakereke nevemasangano akazvimirira oga.

Kunyangwe hazvo sangano iri riri kuti muZimbabwe hamuna kugadzikana munyaya dzezvematongerwo enyika, bato riri kutonga reZanu-PF rinoti munyika hamuna matambudziko uye rakatoramba kutambira vanamutongi gava kubva kuSouth Africa.

Asi vebato guru rinopikisa reMDC Alliance vanoti munyika mapindwa naPongwe.

Mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition VaMarvelous Khumalo vanoti hondo iri kuMozambique pakati pehumende nevanopfurikidza mwero vanotsigira chikwata cheIslamic State uye kusagadzikana munyaya dzezvematongerwo enyika muZimbabwe kunofanira kuzeyiwa kumisangano yeSADC neAfrican Union.

Hurukuro naVaMarvelous Khumalo
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG