Accessibility links

Breaking News

Covid-19 Youraya Vanhu Mazana Maviri neMakumi Matanhatu neVanomwe (267) Mumazuva Manomwe


Bazi rezvehutano rinoti vanhu mazana maviri nemakumi matanhatu nevanomwe kana kuti 267 vakafa nechirwere cheCovid-19 mumazuva manomwe adarika zvichienzaniswa nevanhu zana nemakumi matatu nevana kana kuti 134 vakafa panguva imwe chete svondo rapera.

Nemusi weMugovera chete, vanhu makumi mana nevaviri kana kuti 42 vakafa nechirwere ichi munyika. Izvi zvasiya huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru zviviri nezana nemakumi maviri nevatanhatu kana kuti 2,126. Vamwe vanhu chiuru chimwe chete nemazana manomwe nemakumi masere nevanomwe kana kuti 1,787 vakabatwa nechirwere ichi neMugovera.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi mumazuva manomwe adarika vave zviuru gumi nezvitatu zvine zana nemakumi masere nevasere kana kuti 13, 188.

Svondo rapera panguva imwe chete vanhu zviuru zvinomwe nemazana matanhatu nemakumi mana nevanomwe kana kuti 7, 647 vainge vabatwa nechirwere ichi.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi kubva gore rapera vave zviuri makumi matanhatu nematanhatu ane mazana masere nemakumi mashanu nevatatu kana kuti 66, 853.

Vanhu mazana mashanu nemakumi mashanu nevapfumbamwe ndivo vakapora kubva kuchirwere ichi neMugovera zvasiya vapora vave zviuru makumi mana nemana nemazana mashanu nemakumi masere kana kuti 44, 580.

Vanhu vachiri kurwara zviuru makumi maviri zvine zana nemakumi mana nemanomwe kana kuti 20, 147. Vanhu vabayiwa nhomba kekutanga kusvika parizvino vave zviuru mazana masere nemakumi masere nematanhatu zvine mazana matanhatu negumi nepfumbamwe kana kuti 886, 619.

Vanhu vabayiwa nhomba kechipiri sezvinotarisirwa vave zviuru mzana mashanu nemakumi mapfumbamwe nemazana mashanu nemumwe kana kuti 590, 501.

Hurumende inoti inoda kubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba iyi kuti inyatsoshanda kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG