Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vari Kubatwa Pamwe neKufa neCovid-19 Hworamba Hwuchikura


Kunyange hazvo huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCOVID-19 huri kuramba huchikwira, vanhu vakawanda havasi kutora matanho ekuzvidzivirira sezviri kukurudzirwa nesangano reWorld Health Organization, akaita sekupfeka mamasiki kumeso kwavo.

Kunyange hazvo zviri pachena kuti veruzhinji vari kutapurirana chirwere ichi munyika, kumisika yemabhazi pamwe nekumabhanga vanhu vanenge vakaungana, kana kumanikidzana, izvo zvinoita kuti kutapurirana kweCovid-19 kuve nyore.

Studio7 yaona vanhu vazhinji vange vasina kupfeka mamasiki apo vanga vachisangana neveruzhinji muguta reHarare.

Mumwe mugari wemuHarare, VaPaul Majaira, avo vanga vasina kuzvidzivirira vati dzimwe nguva vanombokanganwa kuzvidzivirira.

Mumwe murume uyo asina kuda kudomwa nezita anga akamirira kutora mari pane rimwe bhanga muguta apo vanhu vanga vakatsokodzerana abvuma kuStudio7 kuti ane ruzivo rwekuti huwandu hwevari kubatwa nechirwere cheCOVID-19 munyika huri kukwira.

Asi ati kunyange hazvo achiziva kuti kumira vakapatsanurana kunobatsira, nyaya yekutya kupindirwa ndiyo inoita kuti vanhu vabatane vari mumitsetse.

VaSimon Zhou, avo vanga vakamirira bhazi kuti vaende kuMt Pleasant Heights, vati vanga vava nemaawa mana vari panzvimbo imwe chete, izvo zvinogona kuti vabate chirwere ichi.

Vatiwo vanhu havasi kutariswa temperature kana kupihwa zvekuzora maoko ava pavanenge vachipinda mumabhazi eZupco sezvaiitika pakatanga kuvhurwa nyika.

Munyori wezvehutano muMDC Alliance, uye vakambove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Dr. Henry Madzorera, vati vanhu vanofanirwa kuchengetedza hutano hwavo kuburikidza nekutevedzera zvinokurudzirwa nevehutano.

Dr. Madzorera vakurudzirawo kuti munguva ino yechando dai veruzhinji vagara kudzimba.

Mutevedzeri wegurukota rezvehutano, Va John Mangwiro, vaudza Studio7 parunhare kuti vari kuwedzera kudzidzisa veruzhinji nezvechirwere ichi pamwe nekuwedzera vanhu vanoongororwa kuitira kudzivirira kutapuriranwa kwechirwere ichi.

Vachitaura kumusangano wePolitburo yebato ravo, mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatiwo kukwira kuri kuita huwandu hwevari kubatwa neCOVID-19 kuchaitawo kuti vatarise zvakare nyaya yekuvharwa kwenyika.

Huwandu hwevanhu vari kubatwa pamwe nekufa nechirwere cheCovid-19 hausi kukwira muZimbabwe chete, sezvo izvi zviri kuitikawo munyika dzakawanda pasi rose, iro rave nevanhu vanodarika mamiriyoni gumi nemaviri vabatwa nechirwere ichi, vanhu vanodarika zviuru makumi masere nezvisere nemazana maviri ane gumi nevaviri, vari vemuZimbabwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG