Accessibility links

Breaking News

Sarudzo dzeMakanzura Dzinoitwa kuTsholotsho neHwedza


Ellen Dingani

Sangano re Zimbabwe Election Support Network, Zesn, rinoti ratumira vaongorori ku Hwedza neku Tsholotsho uko kwange kuine sarudzo dzema by election dzemakanzura emawadhi matatu.

Zesn inoti sarudzo idzi dzaitirwa mumawadhi anoti Tsholotsho Ward 16; Tsholotsho Ward 20 neHwedza District Rural Council Ward 4.

Sarudzo yemu Tsholotsho Ward 16 yaitwa mushure mekudzingwa kwaVa Ngwenya Patrick Hlakaza ve Zanu PF, vachipomerwa mhosva yekusashandisa zvakanaka mari dze Campfire, ukuwo Va Gideon Ndlovu veTsholotsho Ward 20, vakadzingwawo vachipomerwawo mhosva imwe cheteyo.

Sarudzo yemu Ward 4 ku Hwedza yaitwa mushure mekushaya kwenhengo yeZanu PF, Alderman Samson Makamba.

Mapato makuru maviri e Zanu PF neMDC Alliance ndiwo akwikwidza muma by – election matatu aya.

Mukuru anoona nezvezvirongwa zveZimbabwe Election Support Network, Amai Ellen Dingani, vanoti sarudzo idzi dzaitwa murunyararo, uye Zimbabwe Electoral Commission, yanga ichitevedza zvinodiwa nemitemo yesarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG