Komiti yepamusoro inokokera mabasa ekomiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, kana kuti Management Committee inoti iri kutarisira kuti ipedze gwaro rekutanga rebumbiro remitemo mumazuva mashoma yoripa kuvatungamiri vehurumende svondo rino.
Vamwe mukomiti vaudza Studio 7 kuti vatenderana nyaya dzose dzange dzasaririra, zvakaita sekupa zvizvarwa zveZimbabwe mukana wekuva zvizvarwa zvedzimwe nyika, kana kuti dual citizenship, pamwe nemutemo wekutongera munhu rufu uyo ucharamba uchitsigirwa nebumbiro idzva.
Pava nekuwirirana zvakare panyaya yekupa matunhu masimba ekuzvitonga kana kuti devolution. Mubumbiro idzva, mutungamiri wenyika anonzi anenge opinda musarudzo nemutevedzeri wake sezvinoitwa muAmerica.
Gurukota rezvebumbiro nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vanotiwo vari kutarisira kupedza bumbiro svondo rino.
Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda saRegional Co-ordinator we Crisis in Zimbabwe Coalition kuchambembe kweAfrica. VaDewa Mavhinga, vanoti vane chivimbo chekuti zvido zvevanhu zvicharemekedzwa.
Sachigaro wesangano riri kukurudzira kusatambirwa kwebumbiro pareferendamu, reNational Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku, vanoti veCOPAC vari kungotora zvange zviri mubumbiro reKariba Draft rakanyorwa nemapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa muna 2007.