Accessibility links

Breaking News

Imwe Nhengo yeCOPAC Inosungwa kwaMutare


Dzimwe nhengo dziri kushanda neCOPAC kuManicaland dzaramwa kuenda kubasa zvichitevera kusungwa kwaitwa imwe nhengo yavo.

Vasungwa nemapurisa ndaVakudakwashe Munengiwa veku-MDC inotungamirirwa naVaArthur Mutambara.

VaMunengiwa vasungwa neChitatu mangwanani nemapurisa vachipomerwa mhosva yekusazvibata zvakanaka pane ruzhinji apo vanonzi vakada kuratidza nhengo yavo yechirume kuna seneta weUzumba Maramba Pfungwe Mudzi, VaOriah Kabayanjiri, mushure mukusawirirana mukushanda kwavo. Izvi zvinonzi zvakaitika marimwe zuro pamahofisi ehurumende mamutare.

VaKabayanjiri vaisa nyaya iyi kumapurisa izvo zvapa kuti VaMunengiwa vaendwe navo nemapurisa kuMutare Central Police Station kunotorwa sitetimendi. Zvinonzi sitetimendi iyi yatorwa pamberi pemagweta avo anoti VaCosmas Chibaya naVaPassmore Nyakureba. VaMunengiwa vari kuramba mhosva yavari kupomerwa.

VaNyakureba vaudza Studio7 kuti VaMunengiwa, avo varegerwa kuti vaende havo kumba, vari kuramba mhosva iyi, uye vari kutarisirwa kumira pamberi pedare neChina

Mumwe wemasachigaro esangano riri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, reCOPAC, VaDouglas Mwonzora, vanoti mari dzekubhadhara vatyairi pamwe nevari kubata michina muhurongwa hwavo, yavapo zvekuti vanhu ava vanogona kutotanga kuwana mari dzavo manheru eChitatu.

VaMwonzora vanoti vashandi ava vachawana mari dzavo dzose dzavanga vasati vapihwa. Vatyairi pamwe nevari kubata michina iri kushandiswa muhurongwa uhu, vanoti vanga vasati vawana mari dzavo kubva pakatanga chirongwa ichi, izvo zvakanga zvoita kuti vade kuramwa mabasa.

Zvinonziwo pane kusawirirana kukuru pakati penhengo dzeZanu PF neMDC dziri muchirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva, zvikuru panyaya yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, zvipihwe mukana wekupa pfungwa dzavo.

COPAC yakanga yati ichaumba website yekuti vana veZimbabwe vari kunze kwenyika, vaise pfungwa dzavo.

Asi website iyi haisati yaumbwa. Asi mumwe mutevedzeri wemasachigaro eCOPAC, Amai Gladys Gombani Dube, vanoti website iyi ichange yoshanda mumazuva mashoma anotevera, kunyange hazvo paine kusawirirana panyaya iyi, sezvo Zanu PF iri kuti izvi zvichabatsira bato rimwe chete reMDC, iro rine vatsigiri vari kunze kwenyika..

XS
SM
MD
LG