Accessibility links

Breaking News

Dare Repamusorosoro, ReConstitutional Court Rinorasa Nyaya Yekuti Vari Kunze Kwenyika Vabvumidzwe Kuvhota Gore Rino.


Dare reConstitutional Court rinonyima mukana vari kunze kwenyika kuti vavhote vari munyika dzavagere.
Dare reConstitutional Court rinonyima mukana vari kunze kwenyika kuti vavhote vari munyika dzavagere.

Dare repamusorosoro, reConstitutional Court rapa mutongo wekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika hazvigoni kuzovhota musarudzo dzegore rino zviri kunze kwenyika kwazviri kugara.

Nyaya iyi yakanga yakwidzwa kumatare nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika vanoti VaGabriel Shumba naVaSibonile Mbonisi vanogara kuSouth Africa, pamwe naVaDarlington Nyambiya vanogara kuUnited Kingdom.

Rimwe remagweta evatatu ava, Muzvare Belinda Chinowawa weZimbabwe Lawyers for Human Rights vaudza Studio 7 kuti havana kufara nemutongo wedare iri.

Gweta range richimirira ZEC, VaTawanda Kanengoni, vati vachaita sekuvimbisa kwavakaita pakatanga nyaya iyi kuti vacharemekedza mutongo wedare.

Mutongo uyu unonzi nevamwe wavakatyamadza, uye wakanganisa zvikuru tarisiro yezvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kunze kwenyika zvanga zviine tarisiro yekusarudza vatungamiri vazvinoda.

Mumwe wevanoti mutongo uyu wavakatyamadza mutauriri we sangano reZimbabwe Exile’s Forum VaTino Mambeu.

Va Mambeu vanoti zvavashamisa zvikuru kuti hurumende yashinga kuramba kuti zvizvarwa zviri kunze kwenyika zvivhote zviri kunyika dzazvigere nekuti kune vanhu vanosvika mamiriyoni matatu nekuraudzira vanotsigira nyika kuburikidza nekutumira mari pamwe nekuita mabhizinesi kuZimbabwe zvingadai zvapiwawo mukana wekusarudza vatungamiri vazvinoda.

Vanotiwo pakapinda hurumende yaVaMnangagwa panyanga vakafara vachifunga kuti zvinhu zvichachinja kubva pane maitiro aiita VaRobert Mugabe mukurambidza vari kunze kwe nyika kuvhota.

Vanoti dai iri nyaya yemari nekuronga kuti zvoitwa sei, vari kunze vakanga vakazvipira kuti vapinde muhomwe dzavo vabatsire kuti zviitike zvakanaka.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG