Accessibility links

Breaking News

Constitutional Court Inotara Zuva Richazeyiwa Nyaya yaVaChamisa


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa
VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Dare reConstitutional Court razivisa kuti richanzwa musi 22 Nyamavhuvhu nyaya yakapinzwa mudare iri nemutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vachipikisa kudomwa kwakaitwa mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, semunhu akakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Izvi zvaziviswa zvichitevera musangano waitwa nhasi nemukuru wevatongi vematare, Chief Justice Luke Malaba, pamwe nemagweta ari kumirira VaChamisa naVaMnangagwa.

Rimwe remagweta ari kumirira VaMnangagwa, zvakare vari munyori annona nezvemutemo muZanu PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vaudza Studio7 kuti dare raudza vese vari munyaya iyi kuti vanofanira kunge vaendesa magwaro avo ese kudare musi uyu usati wasvika.

Mashoko aya atsinhirwa nemunyori mukuru mubato reMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaDouglas Mwonzora.

Sachigaro werimwe remasangano anoongorora sarudzo munyika, reElection Resource Centre zvakarare vari gweta, VaTrust Maanda, vaudza Studio7 kuti zvaitwa izvi zvinoenderana nemutemo webumbiro renyika uyo unoburitsa pachena zvinofanirwa kuitwa kana pachinge paine munhu asina kufara nesarudzo.

Bumbiro remitemo yenyika rinosungira kuti Constitutional Court inzwe nekupa mutongo panyaya dzakadai mukati memazuva gumi nemana.

Asi VaMaanda vati nguva zhinji yacho inopera pachifambiswa magwaro pakati peanenge akwidza nyaya pamwe nevanenge vachipikisa.

Panyaya iyi, VaChamisa vakakwidza nyaya yavo kudare nemusi weChishanu chapfuura, uye VaMnangagwa vakapindura nezuro.

Izvi zvave kureva kuti VaChamisa vanopihwa mazuva matatu zvakare kuti vachipa huchapupu nekutsanangura kuti sei dare richafanira kupa mutongo wavanoda.

VaMnangagwa nevamwe vakadomwa munyaya iyi, vachapihwawo mazuva matatu ekupundurawo uye kana izvi zvichinge zvaitika dare ndoparinozogara nekupa mutongo waro.

Mutongo wedare iri haupikiswe sezvo riri iro dare repamusoro soro munyika.

Dare iri rine simba rekupa mutongo richidoma kuti ndiani akakunda musarudzo, kana kuti sarudzo iyi iitwe zvakare.

Rinokwanisa kupawo kana mumwe mutongo wariona unokodzera panyaya iyi.

Dare reConstitutional Court rine vatongi vapfumbamwe vanosanganisira mukuru wevatongi munyika, Justice Malaba, mutevedzeri wavo, Justice Elizabeth Gwaunza.

Dzimwe nhengo dzedare iri vatongi vanoti Justice Vernanda Ziyambi, Paddington Garwe, Ben Hlatswayo, Bharat Patel, Chinembiri Bhunu, Antonio Guvava naJustice Rita Makarau.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG