Accessibility links

Breaking News

Zviri Kuitika muAmerica

Congress Yotanga Kuzeya Nyaya Yekuti VaTrump Vamanikidzwe Kusiya Basa

Mutauriri wedare rehouse Of Representatives muAmerica amai Nancy Pelosi vanoti vapa mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaMike Pence zuva rimwe chete rekuti vagare pasi nedare remakurukota kuti vamanikidze mutungamiri wenyika VaDonald Trump kuti vasiye basa.

VaTrump vari kupomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga nekuda kupidigura hurumende mushure mekukundwa kwavakaitwa musarudzo dzavari kuramba kutambira. Amai Pelosi vanoti VaPence vakasatora matanho vachaita kuti dare reparamende reCongress ritange kuzeya nyaya iyi.

VaTrump vari kutarisirwa havo kusiya basa musi wa 20 Ndira apo mutungamiri wenyika mutsva VaJoe Biden vachatora mhiko. Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaFrank Chatonda vanogara kuSouth Carolina muAmerica vanoti kunyangwe hazvo zviri pamutemo kuti maDemocrats vayedze kumisa VaTrump basa mazuva ekuti vasiye basa asati asvika zvichanetsa sezvo maRepublicans vanokwanisa kusazova tsigira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



See all News Updates of the Day

VaBiden Vanotanga Basa Vachibvisa Zvimwe Zvirongwa Zvakagadzwa naVaTrump Vachiri paNyanga.

President Joe Biden

Kubva pavatoreswa mhiko yehutungamiri hweAmerica nemusi weChitatu, VaJoe Biden vakatanga kugadzirisa zvinhu zvavanoti zvakakanganiswa nevaimbove mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump.

Muzuva ravo rechipiri semutungamiri weAmerica, uye vachishandisa masimba avo semutungamiri wenyika, kana kuti Executive Order, VaBiden vakasaina magwaro mazhinji, kusanganisira rekuti mapazi ehurumende yavo ape vanhu rubatsiro rwekuti vagare zvakanaka, uye kuvapa mari inobva kuhurumende yekuvabatsira panguva ino yekurwisana ne Covid-19.

Gwaro iri rinokurudzirawo kuchengetedzwa kwevashandi uye kuwedzerwa kwerubatsiro rwezvekudya kumhuri dzinonetseka neavo vakarasikirwa nemabasa.

Hurumende yaVaBiden inotarisira kuti dare reparamende yeAmerica richavhota richibvuma kuti rubatsiro urwu rwuendeswe kuvanhu.

Nemusi weChina, zuva ravo rizere rekutanga vari pachigaro chehutungamiri hweAmerica, VaBiden vakasaina magwaro akawanda, nechinangwa chekuti vadzikise kupararira kweCovid-19 mu America.

VaBiden vakazivisa mapazi avo anobatsira vanhu vari munjodzi kuti atsvake nzvimbo dzichashandiswa mukubaya vanhu nhomba yekuvadzivirira kubva kuCovid-19.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti VaBiden vakashamiswavo kuti hurumende yaVaTrump haina zvizhinji zvayakaita mukurwisa Covid19.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


VaBiden Vangabvisa Here Zvirango Zvakatemerwa Vamwe Vakuru muZimbabwe?

VaJoe Biden

Nemusi weChitatu VaJoe Biden vakatora mhiko yekutungamira America kwemakore mana anotevera muchiitiko chainge chakatariswa nepasi rose kusanganisirawo nyika yeZimbabwe iyo ine vatungamiri vakatemerwa zvirango neAmerica vachipomerwa mhosva yekutonga nedemo.

Asi vakuru vehurumende ava vanoti chakapa kuti vatemerwe zvirango inyaya yekuti vakatora minda kubva kuvachena vachipa vatema.

Zvirango izvi zvange zvichiwedzerwa gore roga roga kubva muna 2004 uye zviri kutarisirwa kuwedzerwa zvekare muna Kurume naVaBiden.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakanyora padandemutande ravo reTwitter kuti America haikwanise kumira pachuru ichitsiura Zimbabwe nezvekodzero dzevanhu mushure mebatamurefu bata mupfupi yakaitika padare reparamende reCapitol Hill apo vatsigiri vevaive mutungamiri wenyika, VaDonald Trump, vakaita mhirizhonga vachiramba kutambira zvakabuda musarudzo.

Asi muzinda weAmerica muZimbabwe wakabva watiwo Zimbabwe inofanira kuferefeta kuurayiwa kwakaitwa vanhu, kubatwa chibharo uye kutochwa kwevamwe vairatidzira nemauto muna Ndira 2019.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti havaone zvirango zvichbviswa kana Zimbabwe isiri kuremekedza kodzero dzevanhu.

Asi sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika vari nhengo yeZanu-PF, VaKindness Paradza, vanoti hapana chikonzero chekuti zvirango zvirango zvirambe zviripo vachiti Zimbabwe iri kuzorwa mafuta enguruve yaisina kudya.

Hurukuro naVaKidness Paradza naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Amai Kamala Harris Vanozarura Musuwo Mukuru

Amai Kamala Harris

Zvichitevera kutoreswa mhiko kwaVaJoe Biden nemutevedzeri wavo, Amai Kamala Harris, yekushanda zviri pamutemo muhurumende yavo itsva, dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti America yave nemukana wekugadzirisa zvinhu zvizhinji, zvinosanganisira zverusaruraganda, kufambidzana nedzimwe nyika, mamiriro ekunze nezvehutano pasi pose.

Vanodzidzisa zvematongerwo enyika paWellesley College, Muzvinafundo Chipo Dendere, vanoti mafambisirwo akaita kutoreswa mhiko kwakaratidza vanhu pasi pose kuti America yave kutora gwara idzva sezvo vakaona vanhu vemarudzi ose, kunyanya vechitema nevamwe vasiri vechichena, vachipiwa rukudzo rwakaenzana nevamwe vose.

Muzvinafundo Dendere vanoti vanhu vazhinji vakafara, vamwe vakachema misodzi yemufaro, vachiona Amai Harris vachitora mhiko yavo yekuva mutevedzeri wemutungamiri wenyika.

Vanoti kufara kwakange kuchiita vanhu vemarudzi ose vari pamwe chete kwakayeuchidza vazhinji kuti hurumende itsva iyi ihurumende yevanhu vose.

Vanoti zvinofadza vanhukadzi pasi pose kuti munhoroondo ye zvematongerwo enyika mu America, Amai Harris vave vekutanga kuwana chigaro chikuru chakaita seichi, vachiti hapana munhukadzi akamboita simba rakadayi muAmerica.

Muzvinafundo Dendere vanoti zvakaitwa naAmai Harris izvi, zvichabatsira kusimudza shungu muvanhukadzi pasi rose kuti hapana chavangatadza kuita muhupenyu kana vakashanda nesimba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaJoe Biden Vokurudzira Kubatana Muzuva Ravo reKutanga Kutungamira America

VaJoe Biden

Vakasarudzwa kuva mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vakatora mhiko yekutungamira nyika nemusi weChitatu muWashington DC pachiitiko change chakatariswa nevakawanda pasi rose

Asi vasati vatora mhiko, mutevedzeri wavo Amai Kamala Harris vapindawo munhoroondo semutevedzeri wemutungamiri wenyika wechidzimai wekutanga uye vari mutema vane mumwe mubereki wekuAsia.

Mukuru weWomen's Academy for Leadership and Political Excellence Muzvare Stabile Dewa vanoti kusarudzwa kwaAmai Harris kunopa tariro nechivimbo kumadzimai ose epasi rino anoda kupinda munyaya dzezvematongerwo enyika.

Mushure mekutora mhiko, VaBiden vakabva vatura mashoko kunyika vachikurudzira kubatana.

VaBiden vashora vanhu vakaita mhirizhonga padare guru renyika reCapitol Hill vachitsigiri vaive mutungamiri wenyika aDonald Trump avo vairmba kutambira zvakabuda musarudzo vachiti izvi hazvifanire kudzokororwa.

Mutungamiri wenyika akurudzirawo vanhu kuti vabatane mukurwisa chirwere cheCovid-19 icho chauraya vanhu vanodarika zviuru mazana mana kana kuti 400 000.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaDewa Mavhinga vachishanda nesangano reHuman Rights Wath vati mashoko aVaBiden akakosha zvikuru uye vakari nyaya yerusaruraganda inofanira kumiswa muAmerica.

Asi kekutanga mumakore akawanda, hapana kunyatsotambidzanwa masimba sezvo VaTrump vari kuramba kutambira zvakabuda musarudzo.

Munhoroondo yeAmerica yekugamuchidzana masimba, zvakagumisira kuitwa muna 1869 nevaive mutungamiri wenyika VaAndrew Johnson kuramba kuenda panotoreswa mhiko vainge vasarudzwa kutungamira nyika VaUlysses S. Grant.

Pazvakaitika zvekare muna 1921 zvakakonzerwa nehurwere hwaVaWoodrow Wilson vakakundikana kuona VaWarren G. Harding vachitoreswa mhiko semutungamiri wenyika.

Kunyangwe VaTrump vasina kuuya pakugadzwa kwaVaBiden, mutevedzeri wavo VaMike Pence vange varipo nedzimwe nhengo dzedare remaRepublicans.

Vamwe vaimbova vatungamiri venyika yeAmerica vanoti VaGeorge Bush, VaBill Clinton naVaBarack Obama varipo pakugadzwa kwaVaBiden. Vasina kuuya pavaive vatungamiri venyika ndiVaJimmy Carter nekuda kwekurwara.

Nekuda kwekutyira mhirizhonga kubva kuvatsigiri vaVaTrump, muWashington DC makazara mauto, nemapurisa. Muimbi ane mukurumbira Lady Gaga ndiye aimba national anthem uye vamwe vaimba ndiJennifer Lopez na Garth Brooks.

Mangwanani anhasi VaBiden nevakuru vebato ravo remaDemocrats nerinopikisa remaRepublicans vaenda kukereke yeSt Johns Episcopal Church vasati vaenda kuCapitol Hill.

VaTrump nezuro vakatura kunyika mashoko avo ekuoneka asi havana kudoma VaBiden nezita uye havana kutambira kuti ndivo vakakonzera mhirizhinga yakaitwa nevatsigiri paCapitol Hill iyo vari kunzi vakapesvedzera.

VaTrump vakataurawo nezvavanoti vakakwanisa kuita mumakore mana avaitungamira zvinosanganisira kugadzirisa hupfumi hwenyika, kusimbisa miganhu yenyika, kuona kuti nhomba yeCovid-19 yagadzirwa nechimbi chimbi nezvimwe.

VaTrump vasimuka mangwanani anhasi vakananga kuFlorida uko vanenge vave kuenda kunogara. Asi vasati vasimuka, vaonekana nevatsigiri vavo past Andrews Airforce Base muMaryland vakavimbisa kuti vachadzoka.

NeChipiri vachishandisawo masimba avo ehutungamiri wenyika, VaTrump vakaregerera vanhu zana nemakumi mana nevatatu vanosanganisira chipangamazano chavo VaSteve Bannon, vaimbi Lil Wayne naKodak Black asi havana kuzviregerera ivo nemhuri yavo sezvaifungidzirwa nevamwe.

Munhoroondo yeAmerica panyaya dzekuona mafungiro evanhu pahutungamiri kana kuti mapolls, VaTrump ndivo chete mutungamiri asina kukwanisa kusvika pakufarirwa nevanhu vanodarika zvikamu zvishanu kubva muzana kana kuti 50%.

Mushure mekutora mhiko, VaBiden vari kutarisirwa kubvisa mimwe mitemo yakadzikwa naVaTrump vachishandisa masimba avo semutungamiri wenyika kusanganisira munyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika, mamiriro ekunze uye kudzivirira kupararira kweCovid-19.

Live Talk
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:59:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Vakasarudzwa seMutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, Votarisirwa Kutoreswa Mhiko neChitatu

Vakasarudzwa kuve mutungamiri wenyika, VaJoe Biden votarisirwa kutoreswa mhiko neChitatu.

Chitatu America iri kugadza mutungamiri mutsva, VaJoe Biden, pamwe nemutewedzeri wavo, Amai Kamala Harris, pamabiko achaitirwa muWashington DC., paine kuchengetedzwa nemauto kusati kwamboonekwa munhoroondo yeAmerica pakutoreswa mhiko kwemutungamiri wenyika.

Izvi zvinonzi zvakonzerwa nekutyirwa kuri kuitwa kuti vatsigiri vemutungamiri wenyika ave kusiya basa, VaDonald Trump, avo vakamboratidzira zvine mhirizhonga musi wa 6 Ndira kuCapitol Hill, vangangodzokorora zvakare kuratidzira uku.

VaBiden naAmai Harris vari kutarisirwawo kuremekedza vanhu vannosvika zviuru mazana mana, kana kuti 400 000, vakafa nekuda kwechirwere cheCovid-19 muAmerica pagungano riri kuitirwa muWashington DC.

Segadziriro yekugadzwa, mauto anosvika zviuru makumi maviri nezvishanu, kana kuti 25 000, akaiswa kuti achengetedze guta reWashington DC.

Ivo VaTrump, avo vakazivisa kuti havasi kuzoenda kunoona kugadzwa kwaVaBiden, vari kutarisirwawo kubuda mumuzinda weWhite House neChitatu mangwanani, kuitira kupinda kwaVaBiden.

VaBiden vakabudirira kugadzwa vanenge vave mutungamiri wechimakumi mana nenhanhatu, kana kuti 46, kuchitiwo Amai Harris vachive mudzimai wekutanga kuve mutewedzeri wemutungamiri wenyika.

Dare reseneti ratangawo zvakare kubvunzurudza vanhu vakadomwa naVaBiden kuti vazotora zvigaro zvepamusoro muhurumende yavo.

Vari kutarisirwa kumira pamberi pemakomiti eseneti vachibvunzurudzwa vanosanganisira vakadomwa kuve gurukota rezvemari, Amai Janet Yellen, gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaAntony Blinken, vakadomwa kuve gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaLloyd Austin, VaAlejandro Mayorkas, avo vakadomwa kuve gurukota rezvemukati munyika, pamwe naVaAvril Haines, avo vakadomwa kuti vave mukuru wevasori.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri kuNorth Carolina muAmerica, VaEsau Mavindidze, vanoti vanofadzwa nekuenderera mberi kwehurongwa hwekutoreswa mhiko kwaVaBiden kunyange hazvo pakamboita mhirizhonga.

VaMavindidze vanoti nyaya yemhirizhonga yakamboitika muWashington DC uye iri kutyirwa kuti ingangodzokororwa pamwewo nehuwandu hwemauto akaiswa kudzivirira mhirizhonga mucherechedzo wekuti hutongo hwejekerere chinhu chinofanirwa kubatwa serusvava.

Hurukuro naVaEsau Mavindidze
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG