Pane kunetsana kuri kuitika muMDC-Alliance kuMasvingo zvichitevera kuvhoterwa kwakaitwa mumwe kanzura weZanu PF kuti aite mutevedzeri wameya weguta iyo MDC Alliance iine makanzura akawanda muguta iri.
Vamwe vatsigiri vanoti makanzura akavhotera munhu weZanu PF anofanira kudzingwa mubato nekuti vakatengesa. Asi vamwe vachiti hapana chakaipa chero munhu achigona kuita basa raakasarudzirwa.
VaCollen Maboke veMDC Alliance ndivo vakasarudzwa kuita meya weguta reMasvingo, VaWellington Mahwende veZanu PF vakaitwa mutevedzeri wameya weguta.
MDC Alliance ine makanzura manomwe, ukuwo Zanu PF iine matatu, asi VaMahwende vakakunda Amai Serina Maridza musarudzo nemavhoti mana.
Mumwe mutsigiri we MDC-Alliance, Muzvare Alaika Taimu, vanoti makanzura akavhotera Zanu PF vakarasa gwara remusangano wavo nekudaro vanofanira kurangwa nebato.
Izvi zvatsigirwa na Muzvare Ruth Mavedzenge avo vati makanzura akaramba kuteerera zvakanga zvasungwa nevakuru veMDC Alliance, vatengesi.
Asi vamwe vatsigiri vataura neStudio7 vakaita saVaMorgan Sibanda vanoti hapana chakaipa kuvhotera munhu we Zanu PF vachiti zvinoratidza kukura mune zvamatongerwe enyika uye zvinobatanidza vanhu kuti vashandire guta pamwe chete.
Asi VaStephen Nhatare vanotiwo havaoni chakaipa kuti makanzura avo avhotere verimwe bato kana vachiona kuti vanogona kuita basa. Vanotiwo mapato haafanire kupindira mumashandiro emakanzuru.
VaMaboke vanoti vachashanda nemakanzura ose zvakanaka vasingatarisi kuti munhu anobvepi nekuti kana munhu wasarudzwa unomirira vagari vose.
Vati vatove mubishi rekuona kuti vagadzirisa dambudziko remvura sechinhu chekutanga pakuita basa ravo.
Zvinhu zvinenge zvisina kumira zvakanaka mumamwe makanzuru akatorwa neMDC Alliance munyika yose zvichitevera kupesana kwemakanzura aya pazvinhu zvinenge zvichidiwa neMDC Alliance.
Sachigaro weMDC muMasvingo, VaJames Gumbi, vanoti makanzura anofanirwa kuziva kwaanobva.
VaGumbi vanotiwo kana vachiita basa ravo mukanzuru vanofanirwa kuziva gwara rebato, uye kuzadzisa zvisungo zvinobva kumuzinda webato.
Facebook Forum