Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheCOMESA Chinoti Nyika Yagadzirira Sarudzo Dzakachena.


Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo

Chikwata chakatumwa nesangano reCommon Market For Eastern and Southern Africa (COMESA) kuzoongororo gadziriro dzesarudzo kuti dziri kufamba sei munyika, chapeta chirongwa ichi chichiti nyika yakagadzirira kuita sarudzo dzakachena.

Mukuru wechikwata ichi, Ambassador Ashraf Gamaal Rashed, vanonzi vataura kuti nyika iri mugwara rakanaka rekugadzirira kuita sarudzo dzakachena uye vavimbisa rutsigiro rwavo kunyika kusvika sarudzo dzapera.

Chikwata ichi chasanganowo negurukota rezvekunze kwenyika VaSibusiso Moyo muHarare, uye chakasangana kare neZimbabwe Electoral Commission, ZEC, mapurisa eZRP, mutongi mukuru wematare, VaLuke Malaba, pamwe nemapato ezvematongerwo enyika nevemasangano akazvimiririra.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, vachidzidzisa paPretoria Univesity, Doctor Tyanai Masiya vanoti vaongorori veCOMESA ava vanogona kudaro vakapotsa maonero nekuti zvizhinji zvisati zvaiswa mugwara.

Zvichakadaro, sangano re European Union razivisawo kuti ranyorerana nehurumende yeZimbabwe chibvumirano chekushanda pamwe chichabvumidza sangano iri kuti ritumire chikwata chichaongorora sarudzo dziri kuitwa gore rino munyika.

Chibvumirano ichi chinonzi chanyoreranwa pakati pegurukota rezvekudyidzana nedzimwe VaSibusiso Moyo, nemumiriri we European Union muZimbabwe, VaPhillipe Van Damme, zvichitevera kukokwa kwakaitwa sangano iri nehurumende yeZimbabwe muna Kurume kuti rikwanise kutumira chikwata chichaongorora sarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG