Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yomanikidza Vashandi Vayo Kubvisa Mari yeMisangano yaVaMugabe?


Takavafira Zhou mutungamiri wePTUZ
Takavafira Zhou mutungamiri wePTUZ

Sangano rinomiririra vadzidzisi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, riri kutsoropodza hurumende iyo rinoti iri kumanikidza vashandi vayo kuti vabise mari yekuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakwanise kuita musangano nevechikidi vebato ravo kuBindura neMugovera, 9 Gunyana.

Sangano iri rinoti zviri kuitwa nehurumende hazvisi pamutemo nekuti vanhu havafaniri kumanikidzwa kubvisa mari dzavo kana kuita zvematongerwo enyika kana vasingadi.

VaMugabe vari kuenda mumatunhu ose enyika vachisangana nevechidiki vebato ravo.

Mutsamba inonzi yakanyorerwa vashandi vehurumende musi wa 4 Gunyana nemumwe mukuru wekwamudzviti kuGuruve, vashandi vanonzi vakaudzwa kuti vabvise dhora rimwe chete pamunhu kuitira kuti Zanu-PF ikwanise kutenga zvokudya uye kutsvaka dzimotikari dzichatakura vanhu vachaenda kuBindura uko kuchaitirwa musangano naVaMugabe.

Dr Takavafira Zhou, avo vanotungamira sangano rePTUZ, vanoti izvi zviri kuitwa nehurumende zvinokanganisa kodzero dzevanhu.

Vakatizve vanhu veZanu-PF vanofanira kukumbira vanhu zvakanaka kune vanoda kubvisa, kwete kuita sekuti kana munhu akarega kubhadhara pane zvaachazoona.

“Isu tirikuti izvi kutyora kodzero dzavanhu; kutyora kodzero dzevashandi; kumbunyikidza vanhu; kumanikidza vanhu kuti vaite zvavasingadi. Ndinofunga kuti misangano iyi haifaniri kunge ichiitwa nekumanikidza vanhu kuti vabhadhare mari pazvinhu zvavasingade,” VaZhou vakaudza Studio 7.

Vapamhidzirawo vachiti, “Takanyora matsamba akawanda zvikuru kwazvo kuMinistry of Education, kune vanoita zvematongerwo enyika, uye kune avo vari mumapato anopikisa neanotonga nekumapurisa asi hationi zvichichinja nekuti tsamba dzinoramba dzichiuya kubva kunana DA nevamwe vemuMinistry of Education.”

VaZhou vati chimwe chinonetsa ndechokuti vazhinji vari mubazi rinoona nezvedzidzo vakapiwa mabasa makuru kuri kutendwa kutsigira Zanu-PF kwavanoita saka havazorambidzi Zanu-PF kuita zvairi kuita pazvikoro.

Vakapamidzirazve vachiti sangano ravo richaramba richidzidzisa vanhu pamusoro pekodzero dzavo uye kuti vashinge kubuda pachena kuti havasikuzobhadharira mari dzavo pazvinhu zvavasingade.

HURUKURO NAVA TAKAVAFIRA ZHOU
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG