Accessibility links

Breaking News

Vamwe Varume Votiza kuChecheudzwa kuChiredzi


Vamwe vagari vechirume vekuChiredzi pasi paishe Felix Tshovani vanonzi vari kugara vakakiya mikova vamwe vachitizira kune dzimwe nzvimbo nekutya kumanikidzwa kuchecheudzwa sezvinokurudzirwa netsika dzavo.

Ishe Tshovani vanoti avo vari kutiza mudunhu ravo vaenzi vasinganzwisisi tsika dzevanhu vavo uye vanoona sekuti kuchecheudzwa kunoitwa pavanhu vavo ndekwevanhu vese vese vachiti hapana chekutya kana kutiza.

“Kuchecheudzwa kunongoitwa pavanhu verudzi rwedu asi avo vasiri verudzi rwedu vakangonzwa vanhu kuti vavekuinda vamwe vongotizawo nokungotya kuti pamwe vangangobatwa asi hatisi kubata vanhu.”

Ishe Tshovani vakaenderera mberi vachitiwo, “Pamusasa pacho patino itira izvi ndipo pasinga bvumirwe kusvika nekuti pamitemo yedu netsika dzedu anenge asvika pamusasa haabvumidzwe kubvapo. Tinenge tirimusango zvekuti hapana anodarika napo.”

Vanotizve vanhu vanongotya zvisina basa uye zvisinei navo nokuti vanhu vese ava vanoenda nokuda kwavo; hapana anomanikidzwa.

Nzvimbo yashe Tshovani ine vanhu vechiShangani uye kuchecheudza kwevanhu vechirume ndeimwe yetsika dzavo inofarirwa nokugamuchirwa pachena.

Hurukuro naIshe Felix Tshovani
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG