Accessibility links

Breaking News

Vanoita zveChivanhu Vanorwisana neVatendi kuMalipati


Mumwe akarohwa pahondo yekwaMalipati
Mumwe akarohwa pahondo yekwaMalipati

Mukuru wechechi yeZion Christian Church, VaBishop Mutendi Mutendi, vanoti musi wa 1 Gunyana kuchaitwa musangano pakati pevatendi vechechi yavo nevanoita zvechivanhu kusanganisa madzishe nemasabhuku kuMalipati zvichitevera kurwisana kwezvikwata zviviri izvi.

Zvinonzi varume vange vari kumisasa uko kwavanoita zvetsika yavo yehoko kwavanenge vachichecheudzwa svondo rapera vakarova vatendi veZion Christian Church vakange vachiita zveminato vachiridza ngoma padyo nemisasa yavo kuMalipate kwaishe Sengwe.

Vazvinji vakakuvadzwa vakaendeswa kuchipatara uye hurumende inonzi yakati kana vanhu vakaranba vachirohwa kudai ingangozopindira munyaya iyi.

“Kunzvimbo yeMalipati panguva ino iyi yatiri, vanoita chivanhu chekuchecheudza vanhurume, yavanoti hoko. Panguva iyoyi vanonzi havadi ruzha, zvinosanganisa ngoma, ma ‘keyboard’ nezvese zvingashandiswa nevanhu pavanenge vachinamata nokurumbidza Mwari. Saka vhiki yapera iyi neSvondo vatendi vedu vakasvikigwa ipapo varipachechi, vachiimba nekuridza ngoma vakabva varobwa.”

Bishop Mutendi vakapamidzira vachiti, “Avo vakarobwa vakakuvara zvikuru. Vamwe vacho vakakuvara zvakanyanyisa zvokuti vakatomanyiswa kuchipatara kuChiredzi. Mapurisa vakabvunza bvunza vachinyora kuti nyaya iyi iende kudare redzimhosva sezvo kunamata munyika medu kuchibvumidzwa uye vakange vachinamata varipa nzvimbo yavo; havana kuinda kunokanganisa avo vakange vachiita zvavo.”

VaMutendi vanoti ivo semachechi nemubatanidzwa wemachechi uripanzvimbo iyi wePastors’ Fraternity vakaita kuti nyaya iyi izivikanwe nevakuru vavo saka vaChauke, mubati wechigaro weboka iri, vakakwanisa kunoonana naShe pamwechete nemasabhuku vachiedza kukurukura nyaya iyi.

“Saka vakatoronga umwe musangano unofanira kuitwa musi wa 1 September kuti vaone kuti zvofambiswa sei. Asi pavakakurukura pacho madzishe vakakumbira kuti dai varegera kuendesa vanhu kumapurisa uye vakataurawo kuti vavekuvatendedza kuridza ma’keyboards’ nezvimwe kunze kwengoma.”

Bishop Mutendi vakapamidzazve vachiti, “Chatinoda ndechokuti tikwanise kugariswa pasi pamwe chete nemadzishe nemasabhuku kuitira kuti tizivisiwe ivo vachizivisiwa kodzero dzevanhu dzekunyengetera zvakasununguka. Isuwo semachechi kana paine ruremekedzo rwatinofanira kuti tipe kuvanhu ivavo kuti tirege kuvakanganisa zvingazoita kuti vagumbuke nesuwo tinenge tichida kuti tizivisiwe. Zvive zvinhu zviripachena."

Mukuru wemapurisa munzvimbo iyi, Officer Commanding Chiredzi, vaJohn Dzafunwa, vakaramba kutaura neStudio 7 nezvenyaya iyi.

Hurukuro naVaBishop Mutendi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG