Accessibility links

Breaking News

Machechi Okurudzira VaMnangagwa Kuremekedza Kuzvitonga kweMatunhu


Map Zimbabwe
Map Zimbabwe

Sangano reZimbabwe Christian Alliance rinoti mutungmiri wenyika, VaEmmerson Munangagwa, vanofanirwa kukoshesa kuzvitonga kwematunhu, devolution, sezvo zvakanyorwa mubumbiri remitemo yenyika.

Vachitaura pamusangano wekunamatira kuti VaMnangagwa vatevedzere zviri mubumbiro remitemo, nhengo dzesangano iri dzati VaMnangwagwa vanofanira kuratidza musiyano nematongero evaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakange vasingaremekedze bumbiro remitemo yenyika.

Mukuru wemabasa mu Zimbabwe Chrisitan Alliance, Reverend Useni Sibanda, vati vanovimba kuti VaMnangwagwa vachakoshesa izvi pamakore mashanu ava chatungamira nyika.

Imwe nhengo yesangano iri muMasvingo, Pastor Sonykiss Chimbuya, vati nyaya yekupatsanura kutongwa kwematunhu inoita kuti budiriro yedunhu iitike nekukasira vachiti matunhu mazhinji munyika akasarira nekuti zvose zvinoitwa kuHarare.

Vechidiki vanotiwo vanotsigira kuzvitonga kwematunhu vachiti zvinoita kuti vawane mabasa.

Mumwe wevechidiki, Muzvare Spiwe Biza, vati kuzvitonga kwematunhu kunogona kubatsira vezera ravo uye kuchiunza budiriro muMasvingo.

Gweta rinoshandira muMasvingo uye vari nyanzvi mune zvematongerwe enyika, VaTapiwa Gondo, vanoti VaMnangagwa vanofanirwa kuratidza chido chezvematongerwo enyika, voparura hurongwa hwekuzvitonga kwematunhu sezvo zvichibatsira kusimudzira hupfumi hwematunhu.

Bumbiro remitemo yenyika rinosungira hurumende kuti isiye matunhu achizvitonga. Kubva pakatambirwa bumbiro idzva muna 2013 kusvika pari zvino, hurumende yeZanu PF haisati yazadzisa zvinodiwa nebumbiro remitemo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG