Accessibility links

Breaking News

Machechi Onamatira VaMnangagwa, VaChamisa neVamwe Vavakakwikwidzana Navo


Zimbabwe Council of Churches, ZCC, yakoka vose vakakwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika ichivanamatira kuitira kuti munyika muve nerunyararo pamwe nekubatana kuitira kuti nyika ienderere mberi.

ZCC yaita munamato wekunamatira vose vakakwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika, muhurongwa hwanga huchikokerwa nemunyori muZCC, Reverend Kenneth Mtata.

Vakwanisa kupinda mumunamato uyu mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe nemutungamiri weNational Constitutional Assembly, VaLovemore Madhuku.

Vachitaura mushure mekunamatirwa, VaMnangagwa vati Zimbabwe yakaita sarudzo dzine runyararo zvinova zvakavafadza.

Vatiwo shuviro yavo ndeyekuti vabatane nevavaikwikwidzana navo musarudzo yemutungamiriri wenyika. Vati kunyange hazvo vanhu vakasiyana pamafungiro, zvakakosha kushandira runyararo munyika.

VaMnangagwa vati chinangwa chavo ndechekuunza pundutso kunyanya kuvarombo. Asi vati izvi zvinobudirira chete kana munyika muine runyararo.

VaMnangagwa vati vamirira kugadzwa kwavo sezviri pamutemo.

VaMadhuku vatiwo chakakosha munyika kuti zvinhu zvifambe zvakanaka. Vatiwo zvakakosha kuti vaikwikwidza vatambire zvakabuda musarudzo.

Sangano reZCC rinoti rakakoka vese vakakwikwidza pasarudzo yemutungamiriri wenyika kusanganisira mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, avo vasina kuuya.

Reverend Mtata vatiwo vakakoka kuita munamato uyu zvechimbi chimbi, zvinova zvingave zvatadzisa vamwe kuuya.

Asi vati semakereke chinangwa chavo ndechekukurudzira kubatana munyika nerunyararo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG