Accessibility links

Breaking News

Machechi neMasangano Otsamwiswa neMutongo waVaMalaba


Bishop Ancelimo Magaya

Masangano akazvimiririra nevedzisvondo vanoti vatambira nekusuwa mutongo wedare reConstitutional Court.

Vachitaura neStudio7 mushure mekuturwa kwemutongo nedare reConstitutional Court , mutauriri weCrisis Coalition in Zimbabwe, VaTabani Moyo, vati vatongi vedare iri havana kutonga zvejekerere.

VaMoyo vati pakuturwa kwemutongo hapana kana chakaipa chabudiswa chakaitwa nesangano reZimbabwe Electoral Commission, Zec, kana Zanu PF.

VaMoyo vatiwo kupihwa kwemutongo wekuti VaChamisa vabhadhare magweta aVaManangagwa neZec, zvinodzorera hutongo hwejekerere.

Sachigaro weMedia Institute of Southern Africa Zimbabwe, VaGolden Maunganidze, vatiwo chinangwa chavo change chiri chekuti vanhu vese munyika vazive zvanga zvichiitika mudare.

Vati kunyange hazvo Zimbabwe Broadcasting Cooperation yange ichibudisa zvaiitika mudare vati vanoshora kunyimwa kwevamwe vatori venhau mukana wekubidisa zvanga zvichiitika mudare reConstitutional Court izvo zvapa kuti vamwe munyika vasazive zvanga zvichiitika.

Sangano rinomirira makereke reZimbabwe Divine Destiny Network, ZDDN, rinoti mutongo wapiwa uhwu unonetsa kugamuchira.

Mukuru weZDDN, Bishop Ancellimo Magaya, vati nguva dzakawanda matare emunyika anotonga zvisina kururama.

VaMagaya vati chinonyanyovanetsa ndechekuti vanhu veZanu PF vanga vachitogadzirira kugadzwa kwaVaMnangagwa kunyange dare ranga risati ratura mutongo waro.

Bishop Magaya vashorawo MDC Alliance vachiti hainawo kukwanisa kuratidza dare humbowo hwakati tsvikiti.

Dare reConcourt rarasa nyaya yaVaChamisa richiti vakatadza kunyatsobudisa humbowo hwekubirirwa kwesarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG