Accessibility links

Breaking News

Vatendi Vokurudzirwa Kutaura Mhirizhonga Dzinoitika Kwavari Mudzimba Dzavo


Kenneth Mtata and Matebeleland Chiefs
Kenneth Mtata and Matebeleland Chiefs

Vezvitendero zvakasiyana siyana vabatana pasi pemubatanidzwa we Gender and Faith Network mukurwisa dambudziko remhirizhonga iro vanoti ratekeshera zvakanyanya munyika.

Vedzisvondo ava vaparura chirongwa chinonzi “Speak Out,” icho vari kukurudzira vese vanosangana nemhirizhonga kuti vabude pachena vachitaura zvavari kusangana nazvo.

Chirongwa ichi chine chinangwa chekupedza mhirizhonga. Vedzisvondo ava vanoti vanhu vakabuda pachena kana vashungurudzwa, zvinobatsira mukuwana ruzivo rwekuti vonangepi kwavanganobetserwa.

Mumwe mudzimai abva kuchechi yeJohane Masowe eChishanu, Amai Charity Kagore, vakurudzira kunyanya madzimai echipositori kuti abude pachena kana ashungurudzwa.

Amai Kagore vati muchechi yavo madzimai mazhinji anoshungurudzwa haataure.

Mumwe mudzimai, Amai Grace Chigoche, vakurudzira vedzisvondo kuti vabatsire kuti vanhu vataure zvavanosangana nazvo muhupenyu hwavo zvakanangana nemhirizhonga mudzimba.

Amai Chigoche, avo vanoti vakashungurudzwa kwemakore mashanu vasina kwavanomhangara, vati pavaienda kuchechi vaingonzi namata izvo vati zvaisavabetsera padambudziko ravaive vakatarisana naro.

Amai Chigoche vatsanangura pagungano iri kushungurudzwa kwavakasangana nako muwanano yavo.

Mutauriri wesangano reZimbabwe Council of Churches, Reverend Kenneth Mtata, vati makereke ari kushushikana zvikuru nekukwikwira kwenyaya dzemhirizhonga muidzimba.

VaMtata vati zvinosuwisa ndezvekuti zvoita sekuti vanhu vave kutojairira nyaya yemhirishonga iyi munyika izvo vanoti zvasimudza vedzisvondo kuti vataure pamusoro pedambudziko iri.

VaMtata vatiwo chirongwa ichi chichaonawo vafundisi vachidzidziswa kuti vangarwise sei dambudziko remhirizhonga.

Nhengo yeZimbabwe Gender Commission, Amai Sibongile Mauye, vatiwo dambudziko remhirizhonga iri ronyanyokwira nekuda kwekuoma kwezvinhu munyika.

Vachitaura pakuparurwa kweSpeak out, mumwe mushandi kubazi remadzimai, VaEarnest Chimboza, vati kunyange hazvo mumakereke maisatarisirwa mhirizhonga, chokwadi ndechekuti kune mhirizhonga iri kuitika mumakereke.

VaChimboza vatiwo kunyange hazvo kutaura kwakanaka, vati chakanyanya kukosha kuziva kwekuenda kana munhu ashungurudzwa.

Vatiwo hurumende irimubishi yekugadzira nzvimbo dzekuti vanhu vanenge vashungurudzwa vanowana rubatsiro rwese rwavanoda panzvimbo imwechete.

Sangano reUnited Nations Population Fund rinoti muZimbabwe, munhu mumwe chete pavakadzi vatatu vari pakati pemakore gumi nemashanu nemakumi mana nemapfumbamwe, anosangana nemhirizhonga muhupenyu hwake.

Sangano iri rinotiwo mukadzi mumwe chete pavashanu vane makore mamweyo anosanganawo nemhirizhonga yepabonde.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG