Accessibility links

Breaking News

Cholera Yopa Vanhu Kuti Vasabate Maoko paRufu


Zvichitevera kubuda kwakaita chirwere chekorera mumisha inogara veruzhinji yeGlen View neBudiriro, bazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwezvakatikomberedza, reEnvironmental Management Agency, EMA, rakapa vagari mabhini ekurasira marara anodarika zviuru makumi mashanu senzira yekumisa kupararira kwekorera, iyo yauraya vanhu vanodarika makumi.

Bazi reEMA rinoti riri kushanda nekanzuru yeHarare mukuona kuti marara arasirwa munzvimbo dzakakodzera senzira yekuchengetedza hutano, uye kudzivirira kupararira kwechirwere chekorera.

Mukuru anoona nezvekushambadza mabasa eEMA, VaLeon Mutungamiri, vanoti vakaona zvakakodzera kuti vapinde mumisha inogara veruzhinji vachipa imba yega yega, bhini rekurasira marara.

VaMutungamiri vanoti basa ravari kuita richaitwawo mumusha weBudiriro vachipa vagari mabhini pamwe nekuvadzidzisa zvakakoshera kuisa marara mumabhini, uye nzira dzinoiswa nadzo marara mumabhini aya.

VaMutungamiri vanoti vari kupawo dzidziso kukanzuru yeHarare kuti ibvise marara ari mupombi dzinotakura mvura dzine tsvina, kuitira kuti madhireni aya asamise kufamba kwemvura inenge yanaya.

Vakomana nevasikana vari kushanda neEMA vanoti dambudziko riripo nderekuti vanhu vari kurasira mashizha mumadhireni anofamba nemvura. Vanoti mashizha aya anogona kuchengetwa zvakanaka kuitira kuti ave mufudze, kwete kuarasira munzvimbo dzinofamba nemvura.

Mumwe mugari wemuGlen View, Amai Annatolia Mahwindi, vanoti kanzuru inouya kamwe chete pamwedzi kuzotakura marara. Vanotiwo vari kufara nerubatsiro rwemabhini avakapihwa neEMA.

Mumwe mugari wemumusha uyu, Va Enos Mahwindi, vanoti vakafara zvikuru nedanho rakatorwa neEma nokuti rinodzidzisa vagari nezvehutsanana kuitira kuti chirwere chekorera chisapararire.

Mumwe mugari, Amai Tsitsi Mutekede, vakaratidzawo kufara nemabhini avakapihwa, vachiti vava kuwana pekurasira marara, izvo zvichaita kuti nzvimbo yavanogara, igare yakachena.

Mutauri weHarare City Council, VaMichael Chideme, vanoti hachisi chokwadi kuti kanzuru iri kutadza kutakura marara munzvimbo dzinogara veruzhinji.

Vanotiwo marori ekanzuru ari mubishi rekubvisa marara akarasirwa pese pese kuGlenview.

Meya mutsva weHarare, VaHerbert Gomba, vakatsinhira mashoko aVaChideme izvo zviri kupesana nezviri kutaurwa nevagari vemuGlen View.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG