Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheKorera Chonetsa muHarare


MDC Leader Nelson Chamisa Visit Cholera Affected Glenview4
MDC Leader Nelson Chamisa Visit Cholera Affected Glenview4

Hurumende inoti chirwere chekorera chauraya vanhu makumi maviri nemumwe, uye vanhu vanodarika zviuru zvitatu nemakumi matanhatu vabatwa nechirwere ichi kusvika pari zvino.

Vachitaura nevatori venhau mushure mekusangana kwemapazi akasiyana-siyana ehurumende, gurukota rezveutano, VaObadiah Moyo, vati zvinosuwisa kuti nyika iri kurasikirwa nehupenyu hwevanhu nekuda kwezvirwere zvinorapika zvakaita sekorera.

VaMoyo vati hurumende iri kutora matanho akasiyana siyana senzira yekupedza chirwere ichi, icho chanetsa mumisha inogara veruzhinji muHarare yakaita seGlen View, Budiriro neGlen Norah.

VaMoyo vati kunyange hazvo kune dzimwe nzvimbo dzakaitawo seBuhera neMasvingo kwabatwa vanhu nekorera,tsvakiridzo dzavakaita dzinoratidza kuti vanhu ava vakabva muBudiriro neGlenview muHarare.

VaMoyo vati hurumende iri kuendesa mvura yakachena kunzvimbo dzine dambudziko, kudzidzisa veruzhinji hutsanana pamwe nekubvisa vatengesi vemumigwagwakuGlenview nekuBudiriro.

VaMoyo vati mapurisa eZimbabwe Republic Police ndovachange vachibvisa vatengesi mumigwagwa vachiti mapurisa ekanzuru akatadza kuita izvi.

VaMoyo vabvumawo kuti hutachiona hwekorera huriko hauchaurayiki nemishonga yekutanga first line antibiotic drugs. Vatiwo mishonga inodiwa kurapa chirwere ichi inodhura. Kunyange hazvo kune dzimwe nzvimbo kuri kurapwa chirwere ichi kuri kunzi hakuna mishonga yakakwana, VaMoyo vati pari zvino vanayo mishonga.

Hurumende neChipiri yakatara korera sedambudziko guru rawira nyika.

Zvichitevera danho rakatorwa nehurumende, mapurisa abva azivisawo kuti hapana misangano kana ma rally achaitwa muguta reHarare zvichitevera dambudziko rekorera.

Zimbabwe inogara ichinetseka kurwisa dambudziko rezvirwere zvekorera neTyphoid nekuda kwemvura isina kuchena inoshandiswa nevagari pamwe nekuputika kwemvura dzetsvina kunyanya kumisha inogara veruzhinji.

Pamusangano uyu, kanzuru yatiwo haina zvikwanisiro zvakakwana zvekuti igadzire nechimbichimbi kunenge kwaputika mvura dzetsvina idzi.

Sangano reZimbabwe Doctor’s for Human Rights rinoti hurumende inofanirwa kuisa musoro pamwe chete kuitira kuti igadzirisa dambudziko rezvirwere zvemudumbu zvinoputika gore negore.

Munyori musangano iri, VaEvans Masitara, vakurudzirawo veruzhinji kuti vakurumidze kuenda kuchipatara kana vakafungidzira kuti vane chirwere ichi huye kuti vanhu vabike zvekudya zvakanaka.

Mugore ra2008 vanhu vanodarika zviuru zvina vakafa nechirwere chekorera.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti chirwere chekorera hachifanirwe kunge chichinetsa mukore uno sezvo chichikwanisa kudzivirirwa kuburikidza nekuita hutsanana pamwe nekunwa mvura yakachena.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG