Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Blessing Chitapa Ohwina Makwikwi eKuimba eThe Voice UK


Chizvarwa cheZimbabwe chinogara kuBritain, Blessing Chitapa ane makore gumi nemasere ekuberekwa neMugovera akahwina makwikei ekuimba eThe Voice UK.

Chitapa anogara kuDudley kuWest Midlands akaimba nziyo dzinosanganisira kaRobbie Williams Angels nekaJames Bay, Hold Back the River mumakundano ekupedzisira neMugovera.

Chitapa akatotsikisa kambo kanonzi Angels aka uye vanhu vanokwanisa kukanzwa nekukatenga.

Makwikwi aya akambomiswa kwemwedzi minomwe nekuda kwekupararira kwechirwere cheCovid-19. Vanhu ndivo vanovhota kusarudza anenge akunda.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG