Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheTyphoid Chopararira muHarare


Vana Jenandebvu vanoti nhamo haibve pane imwe, izvi ndizvo zvave kuitika munyika. Mumakore apfuura, nyika yakambotarisana nechirwere chekorera, ikozvino munzvimbo dzakaita seHarare, Chitungwiza, Norton, Ruwa neEpworth munonzi vanhu vanodarika zana negumi nerimwe vabatwa nechirwere cheTyphoid.

Nyaya iri kupa kuti nzvimbo idzi dziwirwe nedambudziko iri, kushaikwa kwemvura yekunwa yakachena nekuda kwehupfumi husina kumira zvakanaka, vamwe vanotiwo izvi zviri kukonzerwa nekukundikana basa kwehurumende nemakanzuru.

Norton inonziwo iri kuendesa mvura ine tsvina kana kuti ine suwegi munzizi dzinodira mudamu rinotorwa mvura inonwiwa nevanhu vemuHarare. Izvi zvinonzi zviri kuwedzera dambudziko rekanzuru yeHarare iyo isinawo mari yekutenga mishonga yekuchenesa mvura.

Vanoona nezvehutano muguta reHarare, Doctor Prosper Chonzi, vanoti Chitungwiza ndiyo ine vanhu vakawanda vabatwa nechirwere ichi vanotodarika makumi masere nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti typhoid inofambirana nekorera uye zvave kutyirwa kuti chirwere chekorera chakambouraya vanhu vanosvika zviuru zvina muna 2008, chinogona kudzoka zvakare.

Nyanzvi munyaya dzezvirwere zvinotapuriranwa mubazi rezvehutano, Dr Portia Manangazira vanoti mvura inetsvina ndiyo yokonzera matambudziko aya muHarare. VaWarship Dumba, kanzura weMDC-T kuMount Pleasant vanoti kanzuru haina mari.

XS
SM
MD
LG