Accessibility links

Breaking News

Chirongwa Chitsva CheSangano reZimbabwe Cricket Chowunza Mutambo Kuvazinji


Chikwata cheZimbabwe Cricket chowunza mutambo kuruzhinji pasi pechirongwa chemaFrancises ari mumatunhu akasiyana siyana.

Kutangwa kwechirongwa chekukurudzira kusimudzirwa kwemitambo ye Cricket mumatunhu akasiyana siyana, kuburikidza nekuita makwikwi mumatunhu aya, kana kuti Francise Cricket mumatunhu, kunonzi kuri kubatsira kusimbaradza mutambo uyu munzvimbo dzanga dzisingawane mukana wekutamba mutambo uyu.

Mamwe mafranchise anosanganisira Mashonaland Eagles yekuHarare, Matabeleland Tuskers yekuBulawayo, Mid West Rhinos yekuGweru, neMountaineers yekwaMutare.

Chief Executive weSouthern Rocks Francise iri mumasvingo, vaGivemore Makoni, vanoti vari kufadzwa nedanho rakatorwa nesangano reZimbabwe Cricket gore rapera, iro riri kuita kuti veruzhinji vaonewo mutambo uyu.

Pari zvino chirongwa ichi chiri mumatunhu mashanu uye chinonzi chirikubatsira kuti mutambo uyu upararire kumatunhu akasiyana siyana uye mutambo uyu uri kufarirwa zvikuru nevechidiki.

XS
SM
MD
LG