Accessibility links

Breaking News

Chirongwa cheKugadzirisa Gakava Pamusoro peGukurahundi Chotarisirwa Kutanga Mwedzi Unouya


Nzvimbo yekurangarira vakawurayiwa panguva yeGukurahundi.
Nzvimbo yekurangarira vakawurayiwa panguva yeGukurahundi.

Murongi mukuru wechirongwa chekugadzirisa gakava rakakonzerwa neGukurahundi, vari zvakare gweta guru renyika, Amai Virginia Mabhiza, vanoti vari kuita musangano nevatungamiri vemadzimambo neChipiri pamberi pekuparurwa kwechirongwa ichi muna Chikunguru.

Pasi pechirongwa ichi, icho chichange chichitungamirirwa nemadzimambo, pachaitwa misangano yekunzwa kubva kune vane hama dzakapondwa pamwe nevakashungurudzwa panguva yeGukurahundi.

Amai Mabhiza vanoti vachaita musangano nemutungamiri wesangano remadzimambo, Mambo Mtshane Khumalo, pamwe nemutevedzeri wavo, Mambo Fortune Charumbira kuti vronge kuti chirongwa ichi chofambiswa sei?

Asi Mambo Khumalo vaudza Studio7 kuti vakatomirirawo musangano uyu kuti vazive kuti vachange vachishanda sei, kunyangwe hazvo vari ivo vakatarisirwa kunge vachatungamira chirongwa ichi.

Forum

XS
SM
MD
LG