Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yobvisa Vanotengesa Mumigwagwa seNzira Yekumisa Kupararira kweChirwere cheKorera


Vendors
Vendors

Vachitaura vari kumahofisi avo kuSekuru Kaguvi Building, gurukota rezvemabhizinisi madiki, Amai Sithembiso Nyoni, vakati hurumende haichadi kuti vanhu vatengesere zvinhu munzvimbo dzisina zvimbuzi nemvura nokuti zvine njodzi kuruzhinji rwevanhu sezvo zvichipa kuti korera ipararire.

Amai Nyoni vakaendera mberi vachiti kune vamwe vanotengesa mumigagwa vave kubva vatobika zvokudya zvavanotengesera ruzhinji panzvimbo dzavasina kupiwa nekanzuru izvo zvapa kuti hurumende itore danho iri.

Asi vatungamiri vemasangano evanotengesa mumigagwa vanoti kanzuru ndiyo iri kukonzera dambudziko rekorera sezvo isiri kuchenesa mvura nekusagadzira pombi dzesiweji dziri kuputika.

VaEphraim Chizola vanomirira sangano reMunhumutapa Royal Charter vakati vanopokana nemashoko ekuti nhengo dzavo ndidzo ndakonzera korera.

Vakati vatengesi vanogona kushorwa nekutengesera pedyo nemvura ine masiweji sekuMbare asi havasi ivo vari kukonzera kupararira kwechirwere.

Amai Agnes Magunje veZimbabwe Informal Traders Association Council vakatiwo nhamo yekushaya mabasa ndiyo yapa kuti vaende mumigwagwa vachiti kuvarambidza kutengesa zvichavasiya vasina chekubata.

Mukuru weZimbabwe Iniative for Social and Economic Transformation, VaSamuel Wadza, vakati havafariri zvokuita hwagonzo nakiti nemapurisa vachibviswa nechisimba.

Mukuru weZimbabwe Chamber of Informal Economy Association, VaStanlake Nyakudya, vakatsinhira mashoko akataurwa nevamwe vavo vachiti dambudziko imvura inobva kukanzuru iri kukonzera korera.

Amai Nyoni vakakurudzira vatungamiri vemapato aya kuti vanyore nyunyuto dzavo dzose kuitira kuti vagonodzipira kumahofisi ekumusoro kuti vaonesane kuti vangabatsirika sei.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG