Accessibility links

Breaking News

Vagari Votsamwiswa neVamiriri Vavo kuChipinge South


Checheche Townhall, Chipinge

Vamwe vagari vemuChipinge vanoti havasi kufara nemashandiro evanhu vavakasarudza kuti vavamirire muparamende nekanzuru uye vanoti izvi zvavapa chidzidzo chekuti vavhote zvine ungwaru musarudzo dzichatevera.

Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa neStudio7 neMedia Center, paChecheche Growthpoint neChina.

Vagari vakataura pamusangano uyu vakati vanoona sekuti vatungamiriri vavakasarudza havana hany’a nekugadzirisa matambudziko avo uye havasati vambodzoka kwavari kuti vazonzwa kuti ndezvipi zvavanoda kuti zvigadziriswe sezvo sarudzo dzakapfuura kare.

VaArmy Maunde vanoti dambudziko iri rakakonzerwa nekuti vakavhotera vanhu vasingagare munzvimbo iyi.

VaMaunde vanotiwo chave kudiwa ikozvino mabasa ebudiriro zvisineyi kuti munhu ndewebato iri uye nyaya dzevanhu dzinofanira kuzeyiwa muparamende nemukanzuru.

Mashoko aya akatsigirirwa naVaKudakwashe Chiororo avo vanoti vamwe vatungamiriri vavakavhotera vane huwori sezvo paine mashoko ekuti vanotambira chiokomuhomwe kumakambani anenge achida kuita mabasa ebuduririro munzvimbo iyi.

VaWedzerayi Gwenzi vanotiwo chimwe chinoita kuti vanhu vakasarudzwa vatadze kuita basa ravo nemazvo inyaya yekuti havatozivi basa ravanofanirwa kuita.

Vanotiwo zvinosuwisa kuti kanzuru yeChipinge haisati yatanga kuita basa rayo vachiti izvi zvinodzorera shure mabasa ebudiriro munzvimbo.

Kanzura weWard 24, Amai Wishes Hama, avo vakapinda mumsangano uyu vakati vakazvipira kushanda neveruzhinji pamwe nenhengo yeparamende inomirira nzvimbo iyi.

Mumiriri weChipinge South muNational Assembly, VaEnock Porusingazi, vati vanoziva matambudziko akatarisana nevanhu vari munzvimbo mavo uye vatiwo vanoshushikanawo sezvinoita vanhu ava.

Vati vanozivisa kuti nyaya inoshungurudza vakawanda ndeye yemugwagwa weTanganda Chiredzi uye vati ivo vakatoita basa ravo uye chasara kuti hurumende iite basa rayo rekupedzisa mugwagwa sezvo wakatombogadzirwa chimwe chidimbu.

Vatiwo handichokwadi kuti chekuti havasangani nevanhu vachiti vange vamira kuita misangano nekuda kwechirwere chekorera vakati misangano nemhemberero dzekukunda kwavakaita dzichaitwa mukati menguva pfupi inotevera sezvo kusisina korera.

VaPorusingazi vatiwo zvakakosha kuti vanhu vazive mabasa evatungamiriri vavo vachiti kazhinji vanhu vanochemera MP nakanzura pabasa rinofanirwa kuitwa nemapazi ehurumende.

Vatiwo vakazvarirwa munzvimbo iyi uye vanoda chose kuiona ichibudirira sevamwewo vagari.

Mukuru wesangano rePlatform for Youth Development iro rinoshandira munzvimbo iyi, VaClaris Madhuku, vanoti sangano ravo richashanda zvakasimba kudzidzisa veruzhinji basa raMP nakanzura nderipi, pamwe nekuona kuti makanzura naMP vaita basa ravo sezvinotarisirwa neruzhinji.

Musangano uyu wainge wakarongwa neStudio7 neMedia Center uchitsigirwa nemuzinda weAmerica muZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG