Accessibility links

Breaking News

Chipatara cheChegutu Chovharwa Mushure Mekunge Mumwe Anopa Mushonga Ashaya neCovid-19


Chipatara chikuru chemuChegutu chakavharwa nemusi weChina mushure mekubatwa kwevashandi vaviri nechirwere cheCovid-19, mumwe wacho ndokufa nezuro.

zvi zvasvita huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi munyika yose pamazana maviri nemakumi matatu nemumwe chete.

Vakafanobata chigaro chemukuru mubazi rezvehutano mudunhu
reMashonaland West, VaGift Masoja, vazivisa veruzhinji kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka pachipatara chikuru chemuChegutu neimwe kiriniki iri pedyo zvichitevera kufa kwemumwe mushandi nechirwere cheCovid-19 nezuro.

VaMasoja vati mushandi akashaya uyu munhu aishanda kudivi rinochengetwa mishonga inopihwa varwere vepachipatara ichi.

Vati vavhara chipatara ichi kuitira kuti vapfapfaidze mushonga chipatara chose sezvinokurudzirwa nebazi ravo pamwe nesangano reWorld Health Organization.

VaMasoja vati bazi ravo riri kushushikana zvikuru nehuwandu hwevanhu vave kufamba vasina kupfeka zvinodzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Vayambira vagari kuti chirwere cheCovid-19 chichiripo uye kuti vatevedzere zvose zvinodikanwa zvakaita sekupfeka mamasiki anovhara muromo nemhino pamwe nekugara vanhu vakapatsanurana kana kuti social distancing.

Munguva pfupi yadarika bazi rezvehutano rakambovhara makiriniki anoti Chikonohono muChinhoyi, Madzorera kwaZvimba neChikangwe kuKaroi nekuda kwekuti vamwe vashandi vepamakiriniki aya vainge vabatwa nechirwere cheCovid-19.

Studio7 yaona vanhu vakawanda muChinhoyi vasina kupfeka mamasiki mumisha inogara veruzhinji, vanhu vanozopfeka mamasiki aya kana vave kupinda muguta.

Mumwe wechidiki anga asina kupfeka masiki, VaArthur Changara, vati vanofunga kuti chirwere cheCovid-19 chaderera uye mapurisa haachafamba famba mumisha inogara veruzhinji.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda




Facebook Forum

XS
SM
MD
LG