Accessibility links

Breaking News

Chipatara che Parirenyatwa Choshaya Magetsi Kubva Mugovera


Izvi zvakakonzera kuti michina mizhinji pachipatara isashanda zvekuti varwere vazhinji vanga vachidzoserwa kumba kusvika dambudziko iri ragadziriswa. magetsi ari kushanda ndeaya anoshandisa mukuisa mwenje mumipanda yechipatara, ayo anoda moto une simba shoma

Chipatara chikuru che Parirenyatwa chava nemazuva matatu chisina magetsi anoshandisa moto wakawanda mushure mekunge moto waenda zvisina tsarukano.

Zvinonzi wongororo yakaitwa mushure mekunge dambudziko iri raramba riripo, yaratidza kuti pane imwe tambo inounza moto kuchipatara yakatsva nemugovera pakaenda magetsi zvaita kuti dambudziko rikure.

Izvi zvakakonzera kuti michina mizhinji pachipatara isashanda zvekuti varwere vazhinji vanga vachidzoserwa kumba kusvika dambudziko iri ragadziriswa. magetsi ari kushanda ndeaya anoshandisa mukuisa mwenje mumipanda yechipatara, ayo anoda moto une simba shoma.

Mumwe chiremba pachipatara apa, uyo ataura ne Studio7 asingadi kudomwa zita rake, ati mipanda yepa parirenyatwa inoda moto wekuonesa chete seku outpatients ndiko kwega kwakavhurwa vachimirira kuti dambudziko remagetsi iri rigadziriswe.

Chiremba ava vati vashandi vemagetsi vari mushishi kugadzirisa dambudziko iri kuitira kuti varwere vatange kurapwa zvakanaka.

Dr Douglas Gwatidzo ndivo mukuru we Zimbabwe Association of Doctors for Human Rights. Va Gwatidzo vanoti dambudziko remagetsi munyika ndiro rinoda kugadziriswa kuitira kuti zviri kuitika paparirenyatwa nezvimwe zvipatara zvigadziriswe.

XS
SM
MD
LG