Accessibility links

VaChinotimba Voramba Kuti Vari Kumakidza Vanhu Kunyoresa Kuvhota


VaJoseph Chinotimba neMudzimai Wavo

Masangano anoona nezvekodzero dzevanhu anoti kutyorwa kwekodzero dzevanhu kuri kuenderera mberi, uye vezvematongerwo enyika vari kupindira muchirongwa chekunyoresa kuvhota.

Sangano re Zimbabwe Human Rights Association rinoti izvi zviri kuitika zvikurusei mudunhu reManicaland uko rinoti nhengo yeParamende, Va Joseph Chinotimba, vari kuvhiringa vanonyoresa vanhu uye vachimanikidza vanhu kuenda kunonyoresa.

Mukuru weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, vanoti kupindira mukunyoreswa kwevavhoti kwave kunyanya zvikuru sei nemadzishe nemasabhuku avo vari kutyityidzira vanhu munzvimbo dzavo kuti vazovhotere Zanu-PF vachinyepa kuti michina yekuvhotesa inoona wese wavhotera bato risiri Zanu-PF.

VaChinotimba vanoramba zvese zvavarikupomerwa vachiti chavarikuita kukuridzira vanhu kuti vaende kunonyoresa kuti vazokwanisa kuvhota gore rinouya.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG