Accessibility links

Breaking News

Vadzidzi Vasere paChinhoyi University of Technology Vanomiswa Mudare reDzimhosva


Chinhoyi CUT University2
Chinhoyi CUT University2

Vadzidzi vasere vepaChinhoyi University of Technology, vamiswa pamberi pedare muChinhoyi vachipomerwa mhosva yekuita mhirizhonga munzvimbo yekudzidzira nemusi weMuvhuro.

Asi vadzidzi ava vanzi vadzoke kudare mwedzi unouya, uye Havana kubvisiswa mari yechibatiso.

Gweta revasungwa ava, VaKudzai Choga, vasvitsa mudare chikumbiro chekuti vasere ava vapihwe mukana wekutongwa vachibva kumba kwavo vasina kubhadhariswa mari yechibatiso sezvo vari vadzidzi vasiri pamabasa.

Mutongi wedare, VaFelix Mawadze, vabvuma chikumbiro chaVaChoga vakati vadzidzi ava, avo vanoti mutevedzeri wasachigaro weZimbabwe National Students Union, Muzvare Faustina Madava naVaLionel Shayahama vakasungwa nezuro, Muzvare Shamiso Whide, Muzvare Nicola Makasu, Muzvare Melody Madalamete, VaIgnatious Nochombo, VaNorman Makamanzi naVaBrian Mushakwe avo vasungwa nhasi, vadzoke kudare musiwa 14 Chikunguru gore rino.

Asi VaMawadze vaudza vasere ava kuti vasawanikwe panenge pachiitwa zvemhirizhonga, vasavhiringidze kuferefetwa kwenyaya yavo pamwe nekugara pachikoro kusvika pavachadzoka kudare.

Magwaro ari pamberi pedare anoti nezuro vasere ava vakaratidzira
munzvimbo yekudzidzira yeTheatre Lecture vaine zvinyorwa zvaikurudzira
kuti nhengo dzeMDC Alliance dziri muhusungwa kuHarare dzinoti Muzvare
Joana Mamombe, Muzvare Cecelia Chimbiri naMuzvare Netsai Marowa
dziburitswe muhusungwa.

VaChoga vati vafara nekuburitswa muhusungwa kwevasere ava vachiti
zvichaita kuti vatange kunyore bvunzo dzavo neMuvhuro pamwechete
nevamwe.

VaChoga vati havana kusununguka kutaura nezvehudzamu hwenyaya iyi
sezvo yave pamberi pematare.

Muzvare Madava, avo vakarara vari pakamba yamapurisa muChinhoyi, vati kusungwa kwavo kwavhiringa gadziriro yavanga vachiita yekunyora bvunzo svondo rinouya.

Vadzidzi ava ndivo vaita vekutanga kuratidza kusafara kwavo nekusungwa kwenhengo dzebato reMDC Alliance nechikonzero chekuti Muzvare Mamombe vakadzidza pachikoro ichi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG