Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yovimbiswa neChina Nhomba yeChirwere cheCovid-19


Chinese President Xi Jinping
Chinese President Xi Jinping

China yazivisa kuti Zimbabwe ndeimwe yenyika gumi neina dzichatanga kuwana rubatsiro rwemajekiseni enhomba yekudzivirira Covid-19 pasi pechirongwa chayo chekubatsira nyika dzichiri kubudirira kuti dziwane mishonga iyi.

Izvi zvaziviswa nemutauriri webazi rekuChina rinoona nekudyidzana nedzimwe nyika, VaWang Wenbin, avo vati mishonga iyi yakagadzirwa munyika mavo uye zvavari kuita izvi kuzadzisa chitsiidzo chaikaitwa nemutungamiri wenyika yavo, VaXI Jingpin.

China yatiwo ichabatsira zvekare dzimwe nyika dzichiri kubudirira makumi matatu nesere pachikamu chinotevera uye ichapinda muchirongwa cheWorld Health Organisations cheCOVAX.

Nyika iyi inotiwo mishonga yakaita seichapihwa Zimbabwe iyo yakagadzirwa nekambani yeSinopham neSinovac, yakatoendeswa kunyika dzakaita seUnited Arab Emirates, Brazil neChile.

VaWenbin vati nyika dzepasi rese dzinofanira kubatana mukurwisa Covid-19 vachiti China icharamba ichibatsira nyika dzichiri kubudirira nedzinotambura nemishonga.

Vatiwo vanovimba kuti nyika dzakabudirira dzichaita zvimwezvo kuitira kuti munhu wese awane mushonga wekudzivirira Covid-19.

Muchiziviso chavo, VaWenbin havana kuzivisa kuti Zimbabwe ichawana mishonga yakawanda zvakadii pasi pechirongwa ichi.

Dzimwe nyika dzichawanda rubatsiro neZimbabwe in Pakistan, Brunei, Nepal, Philippines, Myanmar, Cambodia, Laos, Sri Lanka, Mongolia, Palestine, Belarus, Siera Leone neEquatorial Guinea.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kudivi rehurumende sezvo mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa edenda reCovid-19 mumahofisi emutungamiriri wenyika, Dr Agnes Mahomva, vange vakabatikana panguva yataenda pamhepo.

Mutungamiri werimwe remasangano anomirira machiremba anoshanda akazvimirira, reMedical and Dental Private Practitioners Association of Zimbabwe, Dr Johannes Marisa, vati zvaitwa neChina zvakanaka nekuti hurumende yeZimbabwe inogona kunge isina mari yekutenga mishonga inokwanira munhu wese.

Vati mabatirwe ari kuitwa vanhu nehutachiwana hweCovid-19 anoratidza kuti mishonga yenhomba iyi ndiyo yakakosha pakubatsira kudzivirira kupararira kweCovid-19.

Vaenderera mberi vachiti vakazvipira kushanda nehurumende mukudzidzisa vakoti vevamwe kuti mishonga iyi inoshandiswa sei.

Vatiwo zvakakosha kuti zvipatara nemakirinika zvitange kugadzirira nzvimbo dzekuchengetera mishonga iyi sezvo ichinzi inofanira kuchengetedzwa panotonhora.

Zvichakadai, vaimbove nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvehutano, VaPrince Dubeko Sibanda, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo zviri kuitwa neChina zvakanaka, zvinosuwisa kuti hurumende haisati yazivisa veruzhinji kuti hurongwa hwayo pakutenga nekupa vanhu mishonga yeCovid-19 hwakamira sei.

VaSibanda vatiwo hapana kuchejeka pakushandiswa kwezvinhu zvinenge zvapihwa pachena nedzimwe nyika.

Mashoko eChina anouuya apo hurumende yakazivisa nezuro kuti masangano anopa rubatsiro ari kubatsira nyika nemari inoita mazana maviri nemakumi matatu nemana emamiriyoni emadhora ekuAmerica kurwisana neCovid-19 pamwe nezvirwere zvakaita seBP neDiabetes.

Mari iyi inosanganisira mamiriyoni makumi mana nemapfumbamwe nemadhora ekuAmerica yakabva kuGlobal Fund iyo yave kutoshandiswa kutenga zvekudzivirira varapi kana kuti Personal Protective Equipment, mishonga pamwe nezvinoshandiswa kuongorora hutachiwana hweCovid-19.

Hurumende pachayo inoti ine mamiriyoni zana emadhora ekuAmerica ekutenga mishonga yekudzivirira Covid-19 munyika ine vanhu vanodarika mamiriyoni gumi nenshanu, kana kuti US$15 million.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG