Accessibility links

Breaking News

Muzvare Khupe Voendesa MDC yaVaChamisa kuMatare


Muzvare Thokozani Khupe

MDC- T inotungamirirwa naMuzvare Thokozani Khupe inoti iri kuenda kumatare edzimhosva nechinangwa chekuda kumisa MDC-T inotungamirwa na VaNelson Chamisa kuti isashandise mari yakabva kuhurumende pasi pemutemo we Political Parties Finance Act.

Mutemo uyu unosungira hurumende kupa mari kumapato anenge aine nhengo mudare reparamende.

Muzvare Khupe vanoti mari iyi inofanirwa kushandiswa mushure mekunge matare atara kuti ndiyani chaiye mutungamiri we MDC –T pakati paMuzvare Khupe naVa Chamisa.

Vaviri ava vari kunetsana panyaya yehutungamiri zvichitevera kushaya kwevaive mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, muna Kukadzi gore rino.

Mutevedzeri waMuzvare Khupe, VaObert Gutu, vanoti danho rakatorwa nehurumende rekupa mari ye MDC T kune chikwata chaVaChamisa kwaive kusiri pamutemo sezvo nyaya dzekuti mutungamiriri chaiye webato iri ndiyani dzichiri kumatare.

VaGutu vanotiwo magweta avo ari mubishi kugadzirisa magwaro avanofanira kuendesa kumatare edzimhosva nezvenyaya iyi kuti ivo nechikwata chavo vawane mugove wavo pamari iyi sezvavakatarisira.

VaGutu vanoti havazoregi kufambira nyaya idzi sebato sezvo vachiziva kuti ndivo vanofanirwa kunge vakapihwa mari iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG