Accessibility links

Breaking News

Amai Karenyi Vanoti Zvinhu Hazvina Kumira Zvakanaka kuChimanimani


Amai Lynette Karenyi.
Amai Lynette Karenyi.

Vanhu vanodarika mazana mashanu havasi kuzivikanwa kuti varipi zvichitevera mafashamu nedutumupengo rakarova matunhu eManicaland neMasvingo masvondo maviri apfuura.

Kunyange hazvo hurumende iri kuti pava nevanhu mazana maviri nemakumi matanhatu nevasere vazivikanwa kuti vakafa mutsaona yeCyclone Idai, nhengo yeMDC Task Force iri kuona nezvedambudziko rakatarisana nevanhu vemuChimanimani neChipinge, Amai Lynette Karenyi, vanoti huwandu hwavari kuudzwa nevagari vemunzvimbo idzi hwava kudarika mazana mashanu evanhu vasiri kuzivikanwa kuti vari kupi.

Amai Karenyi, avo vanozvesachigaro wemadzimai muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, vanoti vanhu vemuChimanimani vari kuda rubatsiro rwechimbi chimbi, sezvo dutumupengo reCyclone Idai rakasiya raparadza misha, zvikoro, mabhiriji, zvipatara, zvitoro nezvimwe zvivakwa.

“Vanhu vanoda kubatsirwa kuitira kuti pfungwa dzavo dzigadzikane,” vadaro Amai Karenyi.

Amai Karenyi, avo vanova zvakare mumiriri wedunhu reManicaland pasi pechirongwa cheProportional Representation, vanoti pavashanyira nzvimbo iyi neChipiri, vaona vanhu vasingapihwe chikafu mudzimwe nzvimbo.

Apo Amai Karenyi vanga vari kuChimanimani, sangano reUnited Nations kuburikidza nebazi raro rinoona nezverubatsiro, reOffice for the Cordination of Humanitarian Affairs, ranga richikokera musangano wekutsvagira Zimbabwe rubatsiro, pamwe neMalawi neMozambique.

Sangano iri rinoti dunhu rekuchamhembe kweAfrica harisati rambowirwa netsaona yakadai, nokudaro rubatsiro rwunofanirwa kuunganidza nekukurumidza.

Dutumupengo reCyclone Idai rakavhiringa matunhu eManicaland neMasvingo kutanga musi wa 14 Kurume, rkasiya raparadza dzimba, mabhiriji, migwagwa, zvokoro, zvitoro, zvipatara nezvimwe zvivakwa mumatunhu aya kusanganisirawo matunhu ari muMozambique neMalawai.

Hurumende yeMozambique inoti munyika iyi mune vanhu vanodarika chiuru chimwe chete vakafa nemafashamu aya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG