Accessibility links

Breaking News

Chikwata Chiri Kutungamira Kunyorwa kweBumbiro Idzva Chasangana muHarare

Chikwata chiri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika chasangana neChipiri muHarare chikazeya nyaya dzakatarisana nehurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo.

Zvimwe zvinonzi zvakurukurwa inyaya yemaumbirwo pamwe nehuwandu hwevanhu vachange vachinyora pfungwa dzinobva muvanhu.

Pange paine kusawirirana pahuwandu hwevanhu vanofanirwa kuita basa iri, sezvo vamwe vari kuda kuti bato roga-roga rimirirwe nevanhu makumi manomwe, izvo zvinozoreva kuti panenge pava nevanhu mazana maviri negumi vanobva kumapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa.

Zvinonziwo musangano uyu, uyo wapindwawo nevari kutungamira nhaurirano dzemapato, wawirirana kutumira chikwata chevanhu chichanosangana neChitatu nesangano reUNDP, iro riri kubatsira nemari inoshandiswa pakunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.

Izvi zvinotevera nyaya yakabuda mumapepanhau yekuti UNDP haisi kuzobvisa imwe mari kana isina kuudzwa zvakakwana mashandisirwo akaitwa imwe yemari yakaiswa muhurongwa uhu.

Mumwe wemasachigaro ekomiti yeparamende iri kutungamira hurongwa uhu, VaDouglas Mwonzora, vaudza Studio7, kuti komiti yavo ndiyo ichasarudza vachanyora zvichabva muvanhu, uye nyaya dzemari dzichagadziriswa pamusangano weChitatu.

This item is part of
XS
SM
MD
LG