Zimbabwe Warriors yabuda mumakwikwi e CECAFA Senior Challenge Cup, zvichitera kukundwa kwayaitwa 4-1 nechikwata chekuRwanda mumutambo we quater final, uyo watambirwa muguta reNairobi kuKenya nhasi masikati.
Rwanda yava kusangana ne Tanzania mu semi-final ichatambwa neChina, ukuwo Uganda ichakweshana ne Zanzibar mangwana mumumwe mutambo we semi final.
Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro nemutori wedu wenhau dzemitambo, George Mupfuti, kuti tinzwe mafambiro aita mutambo wenhasi.
zimba