Chikwata cheZimbabwe Cricket chakundwa ne Sri Lanka ne 139 runs pamutambo we ICC World Cup Cricket watambirwa muSri Lanka nhasi.
Sri lanka yakwanisa kusvitsva iyo 327 runs, payatanga kutamba zimbabwe ikazosvitsawo 188 runs.
Zimbabwe yasara nemitambo miviri asi mukana wekuti ienderere mberi kusvika kumagumo kwemakwikwi aya hausisina kumira zvakanaka.
Muongorori wenhau dzemutambo wecricket, va Brian Goredema, vanotipa mawonero avo kutamba kwaita matambiro aita zimbabwe nhasi.