Accessibility links

Breaking News

Chikwata CheShooting Stars Chorambidzwa Gudzikisa Mutengo Wekupinda Mumitambo


Chikwata cheShooting Stars chinoti hachisi kufara nedanho ratorwa ne sangano re Premier Soccer League rekuramba kudzikisa mari inobhadharwa pamagedhi kubva pa $3 kusvika pa$1 kuitira kuti vatsigiri vakawanda vakwanise kuenda kumitambo.

Shoooting Stars inoti PSL yakati haiwone izvi zvichizobatsira kukwezva vatsigiri.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi re PSL panyaya iyi sezvo vange vasinga daire nhare.

Mutungamiri we Shooting Stars, va Joel Sengeredo, vanoti vacharamba vachiyedza kutsvaga nzira dzekukwezva vatsigiri.

XS
SM
MD
LG