Accessibility links

Breaking News

Chikwata CheSevens Rugby Chokokwa Kumutambo Mukuru KuHong Kong


Chikwata cheZimbabwe chakakokwa kumakwikwi epamusoro e2010 Honk Kong Sevens rugby tournament aya zvichitevera kutamba zvakanaka kwakaita chikwata ichi gore rapera.

Chikwata chemutambo we rugby, che Cheetahs, chatanga gadziriro yemakwikwi e 2010 Hong Kong Sevens rugby, ayo achatambwa muna kurume gore rino.

Izvi zvinotevera kutamba zvakanaka kwakaita chikwata ichi gore rapera, izvo zvapa kuti chikwanise kupinda mumakwikwi aya. Makwikwi aya achatanga munaKurume 26-28. Chikwata chirikutarisira kusimuka muHarare musi wa 24 munaKurume.

Gadziriro yemakwikwi aya iri kuitirwa ku Old Georgians. Mutambi we rugby, Daniel Hondo, uyo ari mumakwikwi aya anoti arikufadzwa nemafambiro arikuita gadziriro iyi parizvino.

XS
SM
MD
LG