Accessibility links

Breaking News

Chikwata ChemaWarriors Chotarisira Kutamba NeSyria Mangwana KuMalaysia


Soccer
Soccer

Chikwata chemaWarriors Chicha Tamba NeSyria Mangwana Mumutambo Wekuyedzana simba kuMalaysia.

Chikwata chenhabvu chemaWarriors chirikutarisira kutamba nechikwata cheSyria pamutambo wekutanga wegoredzwa wekuyedzana simba uchatambirwa muKualar Lumpar mangwana masikati.

Mawarriors akakunda chikwata che malaysia 3-0 pane mumwe mutambo wekuyedzana simba nezuro. Va Jonathan Musavengana ndivo competitions manager weZimbabwe Football Association (ZIFA). Va Musavengana vanotarisira kuti vachakunda pamutambo uyu kunyangwe zvazvo captain wechikwata ichi Method Mwajali akakuvara pamutambo wanezuro zvinganoita kuti atadze kutamba pamutambo wemangwana.

Mitambo iyi yakakosha kune maWarriors sezvo vari mushishi regadziriro yemakwikwi makuru eAfrica Nations Championships ayo achatambwa nevatambi vanotamba muma local leagues emuAfrica.

XS
SM
MD
LG