Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Warriors Yosangana neRwanda muQuarter Final yeCECAFA kuKenya

Chikwata chenhabvu che Zimbabwe Warriors chiri mumakwikwi eCECAFA Senior Challenge Cup ayo ari kutambirwa muNairobi kuKenya pari zvino.

Makwikwi aya akatanga kupera kwaMbudzi uye ari kuenderera mberi kusvika musi wa 13 Zvita, apo pachatambwa mutambo wekupedzisira weshasha mbiri.

Zimbabwe yakakokwa kumakwikwi aya zvichitevera kukunda kwakaita chikwata ichi mumakwikwi eCOSAFA Senior Challenge Cup, ayo akatambirwa muHarare mwedzi wapera.

Zimbabwe iri kurairidzwa mumakwikwi aya naVa Norman Mapeza uye mitambo iyi ichashandiswa kutsvaga hunyanzvi zvevatambi vachashandiswa mune mimwe mitambo ichatambwa nezvimwe zvikwata zvekunze kwenyika gore rinouya.

Zimbabwe iri kutamba neRwanda mu quarter-final yemakwikwi eCECAFA, ayo achatambwa neChipiri muguta reNairobi kuKenya.

Mukuru anoona nezvemakwikwi muZifa, VaJonathan Musavengana, vanoti Zimbabwe ine mukana mukuru wekutora mukombe uyu.

This item is part of
XS
SM
MD
LG