Accessibility links

Breaking News

Chikwata CheLengthens Chotamba Mitambo Yehushamwari Ne Dynamos, Gunners, ne Caps United


Zvikwata zvina zvenhabvu zvinoti Lengthens, Caps United, Gunners neDynamos, zvichange zvichitamba mitambo yehushamwari nemusi weMugovera neSvondo kunhandare yeRufaro.

Mutungamiri we Lengthens, va Beadle Gwasira, vanoti mitambo iyi ichashandiswa senzira yekuratidza vatsigiri venhabvu vatambi vatsva vakatengwa nezvikwata izvi.

Mitambo iyi ichashandiswawo senzira yekutsvaga mari ichashandiswa nezvikwata zviri mumakwikwi enhabvu yemu Africa.

Lengthens ichange iri mumakwikwi eCAF Confederations Cup, ukuwo Gunners ne Dynamos dziri mumakwikwi e CAF Africa Champions League.

Lengthens yakawana mukana wekutamba mumakwikwi aya zvichitevera kukunda kwavakaita zvimwe zvikwata gore rapera mumakwikwi eBancABC cup.

XS
SM
MD
LG